Accessibility links

Breaking News

VaChiwenga Vanoviga Magamba Matatu paHeroes Acre


Le vice-président du Zimbabwe Constantino Chiwenga à Harare, le 14 aout 2018
Le vice-président du Zimbabwe Constantino Chiwenga à Harare, le 14 aout 2018

Vakafananobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaConstantine Chiwenga, varadzika magamba matatu ehondo yerusununguko vachiudza nyika kuti chirwere cheCovid-19 chave nehukasha hwakanyanya.

Chirwere ichi chakauraya vaive gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vaive kurugukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoe Biggie Matiza, pamwe nevaive mukuru wemajeri, VaParadzai Zimondi, avo vavigwa semagamba ehondo.

Vachiviga vatatu ava paHeroes Acre, VaChiwenga vati aka ndekekutanga izvi zvichiitika uye zvakonzerwa nedenda reCovid-19.

Vati zvinosuwisa kuti vaviga mamwe magamba nhasi mushure mekuradzika mamwe magamba maviri nguva pfupi yapfuura anoti, VaMorton Malianga, pamwe nevaive gurukota redunhu reManicaland, Amai Ellen Gwardzimba, avo vakshaya mushure mekubatwawo neCovid-19.

VaChiwenga vati Covid-19 yavadzidzisa kuti munhu wese anofa sezvo iri kuuraya varombo nevapfumi. Vati zvava kuda kuti vanhu vose vabatane mukurwisa denda iri kuti Zimbabwe ikunde chirwere ichi.

VaChiwenga vati magamba matatu aya kashanda zvakasimba kuti veruzhinji vave neraramo yakanaka kubva muna 1980 kusvika pakushaya kwavo.

Vatsanangura VaMoyo semunhu aidadisa kushanda naye vakati kunyange vakabuda muchiuto, vakaramba vachiita basa guru rekugadzirisa hukama hweZimbabwe nedzimwe nyika.

Vatiwo VaZimondi vakavandudza nekusimudzira majeri munyika.

VaChiwenga vatiwo VaMatiza vange vari kuita basa guru rekugadzirisa migwagwa nenhandare munyika.

VaMoyo vakashaya musi wa21 Ndira, VaMatiza naVaZimondi vakashaya musi wa22 Ndira.

Kunyange hazvo mitemo weWorld Health Organisation uchiti vanofan neCovid-vanofanira kuvigwa mukati memazuva matatu, vatatu ava vachengetwa mazuva aya adarika.

Mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vatii mutemo unofanira kutevedzwa zvisinei kuti munhu igamba here kana kuti kwete.

Vatiwo hurumende inofanira kutenga mishonga yenhomba yeCovid-19 pajekerere.

Vati hurumende inofanira kuzivisa veruzhinji kuti mishonga ichashandiswa ichange ichibva kumakambani api uye kutsanangurira vanhu kuti hurongwa hwekubaya vanhu nhomba iyi huchange hwakamira sei.

Zvichakadai, vatori venhau vese vaenda kuHeroes Acre vaongororwa paHeroes Acre pakare kuti vane hutachiwana hweCovid-19 here kana kuti kwete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG