Accessibility links

Breaking News

ZESN Yotaura Pamusoro peSarudzo Dzaitwa kuGlen View South neMangwe


Amai Ellen Dingani
Amai Ellen Dingani

Sangano rinoongorora mafambisirwo anoitwa sarudzo munyika, reZimbabwe Election Support Network, ZESN, rinoti ratumira vaongori varo munzvimbo dzanga dzichitirwa sarudzo muGlen View South muHarare, neMangwe kuMasvingo, uye sarudzo dzekutsvaga kanzura weMasvingo Rural District – Ward 1.

Sangano iri rinoti ratumira vaongorori makumi maviri nevanomwe kuGlen View South vange vachiona mafambiro ange achiita sarudzo panzvimbo yega yega yange ichivhoterwa, uye zvikwata zviviri zvange zvichifamba zvichiona zviri kuitika munzvimbo dzanga dzichivhoterwa.

ZESN inotiwo kuMangwe yatumira vaongorori gumi nevashanu vange vari panzvimbo yange ichivhoterwa, uye chikwata chimwe chete change chichifamba chichipinda munzvimbo dzanga dzichivhoterwa.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwezvirongwa muZESN, Amai Ellen Dingani, vanoti vari kufara kuti Zimbabwe Electoral Commission yanga yakaisa panze penzvimbo dzekuvhotera magwaro emazita evanhu vanofanirwa kuvhota.

Amai Dingani vanoti izvi zvaita kuti vanhu vakwanise kuziva kuti vanovhotera kupi.

Asi Amai Dingani vanoti vashushikana nehuwandu hwevanhu vanga vachibatsirwa kuvhota pa St Francis Secondary School kuMangwe nepaGlen View 6 Primary.

Amai Dingani vanoti vanhu makumi mana nevaviri vabatsirwa kuvhota kuMangwe, uye vanhu makumi masere nevatatu, vabatsirwawo kuvhota paGlen View 6 Primary School.

Amai Dingani vanoti vanozviziva kuti vanhu vane kodzero dzekutsvaga munhu anovabatsira kuvhota kana vasingakwanisi kuvhota vega.

Asi vanoti vamirira kunzwa kubva kuZimbabwe Electoral Commission kuti ichapa tsanangudzo yakadii padambudziko rekubatsira vanhu vasingakwanisi kuvhota vega.

Sarudzo yemuGlen View South yaitwa zvichitevera kushaya kwemumiriri wenzvimbo iyi muparamende, Amai Vimbai Tsvangirai Java.

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa iri kumiririrwa naVaVincent Tsvangirai, mwanakomana wamuchakabvu akavamba bato iri, VaMorgan Tsvangirai, ukuwo Zanu PF ichimirirwa naVaOffard Machuwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG