Accessibility links

Breaking News

ZESN Inoti Sarudzo Ngadzimbomire neNyaya yeCoronavirus


Amai Priscilla Chigumba
Amai Priscilla Chigumba

Sangano rinoona nezvesarudzo munyika rakazvimirira reZimbabwe Election Support Network kana kuti ZESN riri kukurudzira kuti sarudzo dzimbomira kuitwa munyika kusvika dambudziko rechirwere checoronavirus ichi charura pasi rose ragadziriswa.

Izvi zvinotevera kushaikwa kwezvekudzivirira kwechirwere ichi musarudzo dzakaitwa nezuro muChegutu dzikakundwa nebato rinopikisa reMDC.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZESN Amai Ellen Dingane Kandororo vaudza Studio 7 kuti kurudziro yavo ndeyekuti sarudzo dzimbomira kuitwa.

Vati pane zvavakaona nezuro musarudzo dzekuChegutu zviri pachena kuti pange pasina hurongwa hwekudzivirira vanhu kutapurirana chirwere ichi.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuna sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa kana mibvunzo yatavatumira yange isati yapindurwa pataenda pamhepo.

Asi musarudzo dzakanzura dzekuChegutu idzi, nhengo yaimirira MDC VaRydes Machekera vakawana mavhoti mazana maviri nemakumi mana ukuwo nhengo yebato reZanu PF VaProsper Mutongerwa vakawana mavhoti zana nemakumi masere nemana.

Vachitaura mushure mekuziviswa kuti ndivo vainge vakunda VaMachekera vanoti vanofara nechivimbo chavakapihwa nevagari vemuwadhi 2 kuti vapedzese ndima yakasiiwa nevaimbove kanzura mushakabvu Memory Banda avo kashaya muna Zvita gore rapera.

VaMachekera vanoti mufaro wavo kudzora wadhi iyi kuMDC. Vanotiwo sarudzo dzakafamba zvakanaka.

Nhengo yeZanu PF VaMutongerwa vakatadza kusvika paiziviswa zvainge zvabuda musarudzo asi vaivamiririra musarudzo kana kuti Election Agent VaGivemore Jabangwe vanoti vakatambira zvakabuda musarudzo.

Asi VaJabangwe vanoti bato ravo harisi kufara nehuwandu hwevanhu vakavhota vachiti vainge vari vashoma pane vavaitarisira.

Pavanhu mazana mapfumbamwe nemakumi mana vainge vakanyoresa kuvhota muwadhi umu vanoti vaitarisira vanhu vanodarika mazana mashanu kuti vavhote.

Izvi zvinotsigirwa nemukuru anoona nezvesarudzo muMDC mudunhu reMashonaland West VaKudakwashe Chigumo vanoti basa guru ravakaisa mukukokera kuti vanhu vanovhota harienderane nevanhu vakazobuda kunovhota vachiti vashoma.

Patabvunza sachigaro weMDC mudunhu reChegutu VaRaphel Magunje kuti sei bato ravo richiti vakakunda musarudzo vanoti sarudzo dzinenge dzakachena asi vakakundwa vanoti vanenge vabirwa, vapindura vachiti vakatomira mira kuti vasabirwe vachiti sachigaro weZanu PF mudunhu iri VaZiyambi Ziyambi vaida kutaura nemukuru weZEC panzvimbo yaivhoterwa zvisinganzwisisike.

Asi VaZiyambi vanoramba mashoko aya vachiti vakashevedza nhengo yavo yaiongorora sarudzo.

Kusvika pari nhasi Zimbabwe Electoral Commission -ZEC - inoti yaita sarudzo dzema by-elections muparamende nemumakanzuru makumi maviri nemanomwe kubva pakaitwa sarudzo nyika yose muna 2018.

Sarudzo ina dzakaitwa muparamende dzimwe makumi maviri nematatu dzikaitwa mumakanzuru.

ZEC inoti sarudzo idzi dzose dzakatora mari inosvika mamiriyoni manomwe emari yemunyika.

Bazi rezvemari pasi pechirongwa cheTransitional Stabilisation Programme rakambokurudzira kuti pasaitwe sarudzo dzema by-elections asi kuti bato rinenge riine nhengo inenge yafa ndiro rinofanirwa kusarudza mumwe munhu anotora chinzvimbo cheanenge afa.

Asi izvi zvaitoreva kuti pavandudzwe bumbiro remutemo rinokurudzira kuti paitwe sarudzo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG