Accessibility links

Breaking News

ZESA Yoyambira Kudzimira Vanhu Magetsi


Gurukota rezvemagetsi, VaElton Mangoma, vari kukomekedza kambani yeZESA kuti idzimire magetsi vanhu vose vasiri kubhadhara magetsi avari kushandisa.

Vachitaura nevatori venhau neChitatu pamusoro pedanho reZESA rekudzima magetsi kuvanhu nemakambani ari kutadza kubhadhara mari dzemagetsi, VaMangoma vakati kuti ZESA ikwanise kuwanira nyika magetsi, vanoshandisa magetsi aya vanofanirwa kubhadhara mari yekushandisa magetsi aya.

Vakati vose vasiri kubhadhara mari dzemagetsi avanenge vashandisa vachadzimirwa magetsi aya.

ZESA inonzi ine chikwereti chinosvika mamiriyoni mazana masere emadhora kwainotenga magetsi nekowo hurumende ine chikwereti chinosvika mamiriyoni gumi nesere, US$18m.

Vanhuwo zvavo vane mari chikwereti kukambani iyi chemari inosvika mazana mana emadhora kana kuti US$400m.

Pari zvino ZESA inowana mamwe magesti kubva kukambani yeHydro Cahorra Basa yekuMozambique iyo iri kuti ichamisawo kupa Zimbabwe magetsi ayo kana chikwereti chemari inosvika mamiriyoni makumi mapfumbamwe emadhora, $90m chisina kubhadharwa.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko muZESA, VaFullard Gwasira, vanoti kambani yavo ichaenderera mberi nekomekedzo yaVaMangoma.

Nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvemagetsi, VaMoses Mare, vanoti vanowirirana naVaMangoma kuti vanhu vasiri kubhadhara magetsi vadzimirwe magetsi kuitira kuti ZESA iwane mari yayo.

Nyaya yekunetsa kwemagetsi munyika yave kupa kuti vanhu vakandirane makobvu nematete sezvo pasina achaziva pfumo romubaya.

Vanogara kumisha yevazhinji vari kuchema nerokuti vanogara kumisha yevashoma, makurukota ehurumende nevezvematongerwo enyika vari kubatwa zviri nani kudarika iwo sezvo vanhu ava vasingadzimirwe magetsi.

Mumiriri weUzumba mudare reparamende, uye vari nhengo yeZanu-PF mukomiti yeparamende yezvemhando dzemoto, VaSimbarashe Mudarikwa, vanoti ZESA inofanira kuvharira magetsi munhu wose kwete varombo chete.

Ukuwo mukuru wesangano reCombined Harare Residents Association, VaMfundo Mlilo, vanoti ZESA haitombofanire kubhadhariswa mari.

XS
SM
MD
LG