Accessibility links

Breaking News

ZEC Younza Kusawirirana Pakati peMapato muNyika


Amai Priscilla Chigumba
Amai Priscilla Chigumba

Kunyangwe kwasara masvondo maviri kuti nyika iite sarudzo, komisheni inoona nezvekufambiswa kwesarudzo, yeZimbabwe Electoral Commission, iri kushorwa nevakawanda vanoti iri kutadza kuita basa rayo nemazvo.

Asi pane vamwe vanoti komisheni iyi iri kuita zvainosungirwa kuita pamutemo. ZEC ndeimwe yemakomisheniu mashanu akazvimirira anoumbwa pasi pembumbiro remutemo wenyika yeZimbabwe.

Section 233 yebumbiro remutemo inoti makomisheni aya anoti ZEC, Zimbabwe Human Rights Commission nemamwe anofanira kuremekedza kodzero dzevanhu. Kuita zvido zveveruzhinji, kuita basa rawo pachena pamwe nekutevedzera gwara reruzhinji. Makomishina eZEC, anosarudzwa nekomiti yeparamende yeStanding Rules and Orders.

Standing Rules and Orders Committee, ikomiti inoona nezvekufambiswa kwemabasa ese eparamende uye ine nhengo kubva kumapato ese matatu ari muparamende anoti Zanu PF, MDC T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa neMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube.

Mutemo unoti makomishina eZEC haafaniri kunge achiita zvematongerwo enyika kana kurerekera kubato ripi zvaro. Asi pane kuchema chema munyika kubva kune mamwe mapato anopikisa ayo ari kupomera ZEC mhosva yekuita basa yakarerekera kuZanu PF.

Mumwe mugari wemuHarare VaJonstone Chirwa vanoti ZEC inoita sekuti ibandiko reZanu PF. Vanotiwo havafari nenyaya yekuti muZEC makazara mauto.

Varikumirira MDC Alliance kuGoromonzi West, VaLuke Tamborinyoka ndemumwe asiri kufara nemashandiro eZEC.

Gweta resangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights VaLizwe Jamela, vanoti kusara kwevamwe pamusoro peZEC kunokonzerwa nekuti ZEC haisi kuita basa rayo zvakajeka.

Asi vamwe vakaita saVaNaison Murara vanoti semaonero avo, ZEC iri kuita basa rayo sezvakatarwa pamutemo wenyika.

Mumwe wevanhu makumi maviri nevatatu vari kukwikwidza musarudzo dzemutungamiriri wenyika VaBrayn Taurai Mteki ndemumwe anoona sekuti ZEC iri kuita basa rayo nemazvo.

VaMteki vanotiwo vatori venhau ndivo vari kukonzera kuti ZEC ishorwe nekunyora kuti sarudzo dzegore rino dziri pakati paVaChamisa neMDC Alliance naVaEmmerson Mnangagwa veZanu PF.

Sachigaro veZEC, Justice Priscillar Chigumba vanotiwo vazhinji vari kuchema chema nemashandiro avo vanhu vasinganzwisise mashandire ekomisheni yavo.

Bumbiro remutemo wenyika rinoti sachigaro weZEC anofanira kunge ari mutongi wedare repamusoro kana kuti Judge kana kuti munhu anokodzera kuita mutongi wedare iri uye munhu uyu anodomwa nemutungamiriri wenyika mushure mekunge vataura neStanding Rules and Order Committee nekomisheni yevatongi vematare yeJudicial Service Commission.

Dzimwe nhengo sere dzinodomwa nemutungamiriri wenyika pavanhu vanodarika gumi nevaviri vanenge vasarudzwa neStanding Rules and Order Committee.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG