Accessibility links

Breaking News

ZEC Yokurudzirwa Kuti Iite Sarudzo Sezvo Matunhu Akawanda Asisina Vamiriri


Mutungamrii wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa
Mutungamrii wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa

Mamwe masangano anomirira vagari munyika pamwe neanorwira kodzero dzevanhu ari kukururidzira sangano reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC, kuti riite sarudzo dzekutsviva makanzura eMDC-Alliance ayo akamiswa basa nebato reMDC-T uye vakafa.

Gwaro rakanyorwa nemasangano anosvika gumi nemasere kuZEC, rinoti kusaitwa kwesarudzo dzevanege vadzingwa kuri kukanganisa kufamba kwemabasa emakanzuru nekuti mune mamwe maward hamuchina vamiririri vanonzwa zvichemo zvevagari nekumirira zvido zvavo.

Izvi zvinotevera mashoko akubuditswa neZEC ekuti mapato ezve matongerwe enyika ave kubvumidzwa kuita mabasa awo nekuungana uye kuti vanhu vanyorese kuvhota izvo zvakange zvambomiswa nekupararira kwakanyanya kwedenda reCovid-19.

Asi ZEC ichiri yakamisa kuitwa kwesarudzo ichiti iri kutevera kurudziro yakabva kubazi rezvehutano rinoti riri kutyira kuti vanhu vanotapurirana chirwere cheCovid-19 pavanenge vachivhota.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance Muzvare Rumbidzai Magurupira vati kunze kwekutadzisa mabasa mukanzuru, kusaitwa kwesarudzo kutyora bumbiro remitemo.

Mashoko aya atsinhirwa nemukuru anoona nezvekufambiswa kwebasa muCombined Harare Residents Association, Amai Lorreen Mupasiri Sani.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano reMasvingo Media Centre, Amai Esther Nyambiya, vanoti vakabatana nemasangano evagari panyayaya iyi nekuti mawadhi asina vamiririri haasi kuwana mashoko ezvekufambiswa kwemabasa mumakanzuru avo izvo zvinotyora kodzero dzavo.


Mutauriri weZEC, VaUtloile Silaigwana vati vange vakabatikana vari pasinga kwanisiki kutipa divi ravo panyaya iyi, sezvo vange vasiri muhofisi.

Mukuru anoona nezvemabasa muChitungwiza and Manyame Residents Association, VaMavelous Khumalo, vanoti denda reCovid-19 radzikira munyika nekudaro sarudzo idzi dzinofanira kuchiitwa.

VaKhumalo vanoti dzimwe nyika dziri kuita sarudzo mudenda iri nekudaro
ZEC haina chikonzero chine musoro chekuramba yakasunga zvinhu.

Masangano aya anoti acharamba achikukurudzira ZEC pamwe nehurumende kuti sarudzo idzi dziitwe vagari vawane vamiririri.

Muguta reHarare makanzura makumi maviri nemumwe akadzingwa uye vaviri vakashaika , kuMasvingo makanzura mana akadzingwa. Mamwe
maguta akaita seChinhoyi , Chitungiwza, Bulawayo, Mutare neChegutu ane makanzura akadzingwawo.

Bato reMDCT rinotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora rakadzinga makanzura anopfuura makumi manomwe achivapomera mhosva yekuva nhengo dzeMDC-Alliance.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG