Accessibility links

Breaking News

ZEC Yoramba Ichishorwa Muchirongwa cheBVR


Zimbabwe Electoral Commission Inonzi Haina Kudzidzisa Vanhu Zvakakwana Maererano Nekunoyoresa kuVhota
Zimbabwe Electoral Commission Inonzi Haina Kudzidzisa Vanhu Zvakakwana Maererano Nekunoyoresa kuVhota

Chirongwa chekunyoresa vanhu sevavhoti chakapinda muchikamu chechipiri nezuro sangano rinoona nezvekufambiswa kwesarudzo richipomerwa mhosva yekusarongeka zvakanaka mukufambiswa kwechirongwa ichi.

Vanhu vazhinji vanoti vakanyoresa sevavhoti kubva pakatanga chikamu chechipiri chechirongwa chekunyoresa vanhu sevavhoti icho chakatanga neSvondo munzvimbo dzakawanda munyika.

Mumwe wevakanyoresa kuvhota muHarare West neSvondo, VaLawrence Muchenje, vanoti hazvina kuvatorera nguva yakawanda kuti vange vanyoresa kunyange hazvo pavakanyoresera paiva nemuchina mumwe chete waishandiswa kunyoresa vanhu.

Asi umwe mugari wekuStrathaven, Muzvare Yolanda Machiya, vanoti Zimbabwe Electoral Commission haisati yarongeka sezvo komisheni iyi yakatadza kuunza michina munharaunda yavo nezuro sezvavanga vakatarisira. Muzvare Machiya vanoti ZEC haisi kupa vanhu dzidziso yakakwana inobata nyaya dzekunyoreswa kwevanhu sevavhoti.

Mashoko aya atsinhirwa nemunyori anoona nezvesarudzo mubato reMDC-T, VaMurisi Zwizwai, avo vanotiwo ZEC haisi kushambadzira zvakakwana nzvimbo dzairi kunyoresera vanhu.

Sachigaro weMDC-T mudunhu reMashonaland East, VaPiniel Denga, vanoti mamwe madzishe nemasabhuku emudunhu ravo ari kunyora ma serial number emapepa anenge apihwa vanhu pavanonyoresa kuvhota vachiti izvi zviri kunze kwemutemo uye kutyisidzira vanhu zviri pachena.

Muzvare Lwazi Sibanda, avo vanove nhengo yeparamende ye’proportional representation’ vachimirira Tsholotsho North, vanoti kunyoreswa kwevanhu kuri kufamba zvakanaka chose kuTsholotsho kunyange hazvo vanhu vakawanda vasati vanyoresa sevavhoti.

VaZwizwai vakurudzira ZEC kuti igadzirise zvimhingamupinyi zvose zviri kusangana neveruzhinji pakunyoresa sevavhoti zvakafanana nekubvisa nyaya yemagwaro anoratidza kuti munhu anogara papi asati anyoresa kuvhota.

Chirongwa ichi chinopera musi wa 13 Mbudzi, chobva chapinda muchikamu chechitatu apo ZEC inenge yopinda mudzimwe nzvimbo.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG