Accessibility links

Breaking News

Kusagadzirira Zvakakwana kweZEC Kworwadza Vakawanda Munyika


Vamwe vari kudzokera kumba vasina kunyoresa
Vamwe vari kudzokera kumba vasina kunyoresa

Vanhu vari kunyoresa kuMashonaland West vanoti Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, haina kugadzirira zvakakwana uye dzimwe nzvimbo dzinovhura dzisina zvekunyoresa zvakakwana.

Vanhu vakawanda vadzokera kumba vasina kunyoresa mushure mekunge vatadza kunyoresa sezvo ZEC yange isina mapepa akakwana anodikanwa kuti munhu anyorese.

Kushaikwa kwemapepa anonyorwa zvine chekuita nemunhu ari kuda kunyoresa kwakonzera vanhu nhasi kuti vasaite shungu dzekunonyoresa kuvhota muKaroi.

VaCaleb Zingoni, avo vanogara mumusha weveruzhinji weChikangwe muKaroi, vati vakatadza kunyoresa nezuro nekuda kwemapepa ainge asipo pakavhurwa nzvimbo yekunyoresa pakiriniki yemuChikangwe.

VaCletus Hozveri, avo vanotyaira mota inotakura vanhu kubva kuChiedza kuenda mudhorobha, vatiwo sezvo vakaenda vakatadza kunyoresa, vachatozoenda rimwe remazuva achatevera.

VaZingoni vati chirongwa chekunyoresa kuvhota hachina kushambadzirwa zvakakwana sezvo vanhu vakawanda vasiri kuenda kunonyoresa kuvhota.

Ongororo yaitwa neStudio7 nhasi muKaroi yaratidza kuti vanhu vashoma vari kuenda kunonyoresa kuvhota.

Vanhu gumi navana ndivo vanyoresa pachikoro chepasi cheChikangwe, uye vamwewo makumi maviri nemumwe vanyoresa pakiriniki yeChikangwe.

ZEC iri kutadzawo kupa bvumo vanoda kuongorora kunyoresa kuvhota, kana kuti ma ‘observers”, kuri kuitwa muMashonaland West ichiti haina muchina unodhinda makadhi.

Mukuru weZEC mudunhu reMashonaland West, VaAustin Ndlovu, varamba kutaura nezvekukundikana kweZEC kupa makadhi vanoda kuongorora chirongwa cheBVR.

Dunhu reMashonaland West rakapihwa michina yechizvinozvino yekunyoresa kuvhota inosvika mazana matatu nemakumi maviri kuti vanyorese nzvimbo dzeKariba neHurungwe kusvika kupera kwemwedzi uno.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG