Accessibility links

ZEC Inoti Mazita eVakanyoresa Kuvhota Akachengetedzeka


VaMorgan Tsvangirai naVaRobert Mugabe.

Sachigaro wesangano reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC, Amai Rita Makarau, vanoti vakagadzirira zvizere kuti mazita evanhu vari kunyoresa kuvhota pari zvino achengetedzeke.

Izvi zvinotevera kugunun'una kwakanyanya kuri kuitwa nemapato anopikisa kuti ZEC haisi kunyatsojekesa kuti mazita evanhu vari kunyoresa kuvhota ari kuchengetedzwa sei.

Asi Amai Makarau vaudza Studio 7 kuti hapana chekutya kuti pamwe pane chingakanganisika nemazita aya.

VaUhuru Kenyatta (L) uye mutevedzeri wavo VaWilliam Ruto.
VaUhuru Kenyatta (L) uye mutevedzeri wavo VaWilliam Ruto.

Kunyangwe hazvo vamwe vachiti gwaro revavhoti rinogadzirwa nemichina yemacomupters ye Biometric Voter Registration kana kuti BVR riri nani, pane mutauro uri kuitika muKenya pachinzi sarudzo dzakashandisa humhizha idzi dzakabirirwa. Izvi ndizvo zviri kutyirwa nevamwe kuti zvinogona kuitika muZimbabwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG