Accessibility links

Breaking News

Amai Chigumba Vovimbisa Gwaro reVavhoti Mushure Mekudhinda Mazita eVakwikwidzi


ZEC Chairperson Priscilla Chigumba In Harare
ZEC Chairperson Priscilla Chigumba In Harare

Sachigaro veZimbabwe Electoral Commission, Zec, Justice Priscilla Chigumba, vanoti komisheni yavo ichaburitsa gwaro rine mazita evanhu vakanyoresa kuvhota richashandiswa gore rino mushure mekunge komisheni iyi yaburitsa mazita evachakwikwidza muGovernment Gazette.

Mapato anopikisa munyika ari kuchema chema kuti haasati apihwa neZEC gwaro revavhoti richashandiswa musarudzo, asi Justice Chigumba vanoti vachiri kugeza gwaro revavhoti uye gwaro iri richatanga kupihwa kuvanhu vese vari kukwikwidza musarudzo.

Justice Chigumba vati panotove negwaro riripo iro rakaongororwa neveruzhinji uye rikashandiswa kuNomination Court. Vati gwaro iri ndiro rave kusukwa pasati paburitswa gwaro rekupedzesera.

Amai Chigumba vati dambudziko rekuchema chema riripo nekuti mamwe mapato aida gwaro iri riri muchikamu chekuti rinogona kusandurwa zvekuti raizobuda risina kumira zvakanaka uye vakaona zvisingankodzeri kuvapa Voters Roll iri muchikamu ichi.

Vati pari zvino vave kutarisa gwaro revavhoti kubva kumatunhu ese pamwe nevakanyoresa vasati vaburitsa gwaro rekupedzesera.

Asi sachigaro verimwe sangano rinoongorora sarudzo, zvakare vari gweta, VaTrust Maanda, vati zviri kuitwa neZEC zviri kunze kwemutemo nekuti gwaro revavhoti rinofanira kunge ravepo zuva resarudzo risati ratombodomwa.

VaMaanda vati zvinhu zvakanaka kuti dai ZEC yakangogadzirisa nyaya dzegwaro revavhoti kuitira kuti sarudzo dzisaite mutauro.

Zvichakadai, vanhu vaswera vari chipata pata kutenga gwaro revavhoti risati rapepetwa kana kuti provisional Voters’ Roll kubva kuZEC uye vamwe vange vachipihwa ipapo asi vamwe vachinzi vadzoke mukati memazuva maviri.

Vanoona nezvesarudzo muMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, VaHenry Chimbiri, ndemumwe weavo vakwanisa kutenga gwaro revavhoti.

Vati vachada kuongorora kuti gwaro iri rinenge rine musiyano upi negwaro rekupedzesera.

ZEC inotaririsirwa kuburitsa muGovernment Gazette mazita evanhu vese vachakwikwidza musarudzo nguva ipi zvayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG