Accessibility links

Breaking News

Zec Inodzikisa Zvikamu zveMavhoti Akawanikwa naVaMnangagwa


ZEC Chigumba
ZEC Chigumba

Zimbabwe Electoral Commission, Zec, yadzikisa huwandu hwemavhoti akawanikwa nemutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, musarudzo yemutungamiri wenyika kubva pa50.8% kusvika pa50.59%.

Vachipindura magwaro akasvitswa mudare reConstitutional Court nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vachipikisa kudomwa kwaVaMnangagwa semunhu akakunda musarudzo yemutungamiri wenyika, sachigaro weZec, Amai Priscilla Chigumba, vanoti mushure mekugadzirisa zvavakaburitsa, VaMnangagwa vasarikirwa nemavhoti 4,453, izvo zvaita kuti VaChamisa mavhoti avo awedzerwe zvishoma ne 4,483.

Pavakazivisa nyika nemusi wa Nyamavhuvhu 3 kuti VaMnangagwa ndivo vakanga vakunda, Amai Chigumba vakati VaMnangagwa vakanga vawana mavhoti anosvika zvikamu 50.8%, VaChamisa vachiwana zvikamu 44.3%.

Asi mumagwaro avo ava mudare, Amai Chigumba vanoti VaChamisa vakawana zvikamu 44.39%.

Kunyange hazvo pasina mutsauko mukuru, kuchinjwa kuri kuitwa zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika kunogona kukonzera mutauro mukuru.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti kuita kwakadai kunogona kushandiswa semunongedzo mudare wekuti Zec haivimbiki mukufambiswa kwesarudzo.

Nyaya yegakava riri pakati paVaChamisa naVaMnangagwa ichatanga kunzwikwa mudare reConstitutional Court nemuwi wa Nyamavhuvhu 22.

Judicial Service Commission yapa nhepfenyuro yeZimbabwe Broadcasting Corporation mvumo yekutepfenyura kutongwa kwenyaya iyi kuitira kuti veruzhinji vaonewo kufamba kwayo.

Sangano reMisa Zimbabwe rasvitsawo magwaro aro echimbi chimbi kudare reConstitutional Court richida kuti vatori venhau vabvumidzwe kutepfenyura paFacebook neTwitter zvinenge zvichiitika mudare iri.

Matare emuZimbabwe haabvumidzi kushandiswa kwenharembozha mumatare.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG