Accessibility links

Breaking News

Zec Yobvuma Mushure Mekumboti Haizivi Kuvhota nePosvo kweMapurisa


Priscilla Chigumba, the chairperson of the Zimbabwe Electoral Commission, briefs observers and reporters in Harare, July 13, 2018.
Priscilla Chigumba, the chairperson of the Zimbabwe Electoral Commission, briefs observers and reporters in Harare, July 13, 2018.

Zimbabwe Electoral Commission, Zec, inoti kuvhota pachishandiswa posvo kana kuti Postal Voting kuri kuenderera mberi uye mutemo wesarudzo weElectoral Act haubvimidze kuti Zec, mapato ezvematongerwo enyika kana kuti vanoongorora sarudzo kuti vange varipo sezvo kuvhota uku kuchifanira kuitwa muchivande.

Vachitaurira vakauya kuzoongorora sarudzo vemuno nevekunze gadziriro yesarudzo, sachigaro veZec, Justice Priscillar Chigumba, vati mutemo haubvimidze kuongororwa kwePostal Voting nekudaro hapana ari kuzobvumidzwa kuongorora sarudzo idzi.

Vati Section 75 yeElectoral Act haibvumidze kuongororwa kwesarudzo idzi nekudaro sekuudzwa kwavakaitwa nevakuru vemapurisa zvinhu zvinenge zvakaitwa pachitevedzwa mutemo kukamba yemapurisa yeRoss Camp kuBulawayo.

Mukuru wemapurisa anoona neezvesarudzo, Senior Assistant Commissioner Erasmus Makodza, vaudzawo musangano wanhasi kuti zvizhinji zviri kutaurwa pamusoro pezviri kuitika manyepo uye zviri kuitwa nevanhu vari kuda kuvhiringa sarudzo.

Vati vese vari kufambisa mashoko emanyepo pamadandemutande vacharangwa pasi pemutemo wenyika.

Asi masangano anoshanda akazvimirira makumi mana nerimwe achishanda pasi pesangano reElection Situation Room (ESR) audza Studio 7 kuti ari kushishikana zvikuru nekusajeka kwemafambisirwo esarudzo dzePostal Voting.

Vakasanobato chinzvimbo chemukuru weZESN inove nhengo yeESR, Amai Ellen Dingani vaudza Studio7 kuti vari kushishikana nechichemo chiri kubva kuRose Camp kuti mapurisa anonzi aivhota achionekwa nevakuru vawo.

Vanotiwo Zec inofanira kujekesa zvinhu kuti vanhu vagutsikane nemafambisirwo esarudzo.

Gweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights inove nhengo yeESR, VaLizwe Jamela, vaudza Studio 7, kuti zvakaitika kuBulawayo zvekuti Zec inobuda ichataura zvayo, mapurisa achitaura zvavo pamusoro pePostal Voting, zvinoita kuti veruzhinji vafungire kuti sarudzo dzave kutobirirwa.

Vati mutemo unotaura kuti munhu anofanira kuvhota pakavanzika asi chichemo chiri kubva kuBulawayo ndechekuti vanhu vaivhota vakatariswa nevakuru vavo.

Pakatanga kubuda mashoko ekuti kune mapurisa ari kuvhota kuBulawayo neChina, vakafanobata chigaro chemukuru anoona nezvesarudzo kuZec, VaUtoile Silaigwana vakaudza bepanhau re Herald kuti chakange chisiri chokwadi kuti mapurisa ari kuvhota, ukuwo mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vachiti ichokwadi kuti mapurisa aivhota.

Asi Herald yakazobvisa nyaya yayo padandemutande apo Zec yakanga yodududza pamshoko ayo ekutanga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG