Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Haisati Yaziviswa neEU Kuti Inoda Kubatsira Mukupepetwa kweGwaro reVavhoti.


Andrew Makoni

Zimbabwe Electoral Commission inoti haisati yakumbirwa zviri pamutemo neEuropean Union kuti inoda kubatsira kupepeta gwaro revavhoti.

Asi mumwe mukuru musangano reEuropean Union asina kuda kudomwa nezita audza Studio 7 kuti pane misangano iri kuitwa uye vakatovimbiswa neZEC kuti ichaita kuti gwaro iri rive nyore kuti riwanikwe nevose vari kuda kupinda musarudzo dzegore rino.

Mukuru uyu ati EU yakazvipira kubatsira ZEC kuona kuti gwaro rapepetwa zvakanaka.

Mashoko aya anoteverawo zvakataurwa nemumiriri weEU muZimbabwe VaPhillipe Van Damme vakanyora padandemutande ravo reTwitter kuti vakagadzirira kubatsira Zimbabwe kukwenenzvera gwaro revavhoti.

Sachigaro we Zimbabwe Election Support Network- ZESN VaAndrew Makoni vanoti danho re EU rakanaka asi havazivi kuti ivo veZEC vacharitambira zvakadini sekuti izvi hazvisati zvamboitika munyika.

Vati zvakakosha kuti varatidze kuti vari kuita zvinhu zviri pajekerere sekukumbirwa kuri kuitwa nemasangano anopikisa kuti sarudzo dziitwe zvakachena.

Sangano re ZEC razivisawo kuti mapepa achashandiswa musarudzo achagadzirwa munyika, kwete kunze kwenyika sezvaifungidzirwa nevazhinji.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG