Accessibility links

Breaking News

Mushandi weZec Akavhiringidza Mavhoti Oshanda Akachengetedzwa neMapurisa


ZANU PF Chegutu Posters2

Nyaya yezvakabuda musarudzo kuChegutu West yave kukonzeresa mutauro mudunhu reMashonaland West.

Kunyange hazvo mushandi weZimbabwe Election Commission, Zec, mudunhu reChegutu, VaGodfrey Masiri, varamba kuti ndivo vanyora tsamba yekusiya basa, vatadza kunyatsotaura kuti sei vave kuchengetedzwa nemapurisa akawanda kumba pamwe nekubasa kwavo.

Mapurisa anosvika gumi nemashanu atanga kuchengetedza VaMasiri pamahofisi avo muChegutu vamwe vasingazivikanwi kuti ndivanani vari kuvachengetedza kumba kwavo.

VaMasiri vakazivisa neChipiri kuti VaDexter Nduna vebato reZanu PF ndivo vainge vakunda mushure mekuwana mavhoti 10 932, VaGift Konjana veMDC Alliance vaine 10 812.

Asi zvakazobuda pachena kuti VaKonjana vainge vaine mavhoti 10 948 ayo akavaita kuti vave pamberi kumavhoti.

Mutsamba yavakanyorera bato reMDC Alliance musiwa 2 Nyamavhuvhu, VaMasiri vakabvuma kuti painge paita kukanganisa pakanyorwa manhamba kubva paV23A kuenda paV23B yaVaKonjana naVaKache Simon.

Mavhoti 121 ava Konjana ainge apihwa VaSimon ukuwo vhoti imwechete yaVaSimon yainge yaiswa kuna VaKonjana.

Asi chiri kunyanya kushamisa inguva yave kutorwa neZec kugadzirisa dambudziko iri sezvo yave kuti zvave kuda matare edzimhosva kuti pakadziriswe.

Mukuru weMDC Alliance munyaya dzezvesarudzo mudunhu reMashonaland West, VaKudakwashe Chigumo, vati vakatokwidza nyaya iyi kudare rinoona nezvekusawirirana musarudzo, electoral court.

VaChigumo vati zvakaita Zec kuda kubirira sarudzo kuti bato reZanu PF rikunde.

Sarudzo dzakaitwa svondo rakapera dzemutungamiri wenyika dziri kurambwa nebato reMDC Alliance ichiti zvakashevedzerwa nesachigaro weZec, Amai Priscila Chigumba, ndezvemugotsi matsuro vachiti manyepo.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti vari kuendesa nyaya yesarudzo kumatare edzimhosva nguva yakatarwa isati yapfuura kubva pakaziviswa zvakabuda musarudzo vachiti vane umboo hwakadzama.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG