Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yoyambira Hurumende Kuti Iremekedze Zvibvumirano Zvinoitwa muTNF


Labour and Social Welfare Minister Sakai Nzenza and ICT Minister Kazembe Kazembe

Sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti hurumende haisati yapindura chikumbiro chayo chekuti hurumende isiyane nenyaya yekurambidza kushandiswa kwemari yekunze.

Sangano iri rinoti kusavimbika kwehurumende kuchapa kuti vashandi vapinde mumigwagwa.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vaudza Studio7 vanoti zviri pachena ku kuti hurumende haisi kuremekedza nyaya dzevashandi pasi pehurongwa hwe Tripartite Negotiating Forum, TNF.

VaMoyo vanoti vashandi vanoda chose kutaurirana nehurumende nevashandirwi asi vanoda vanhu vakavimbika.

Hurumende yakadzora kushandiswa kwemari yemuno kana kuti Zimbabwe Dollar mwedzi uno pachishandiswa SI 142 izvo zvakashamisa vanhu vakawanda.

VaMoyo vanoti havabvumirani neWorld Bank panyaya yavo yekusimudzira Zimbabwe panyaya yekufambisa zvinhu zvakanaka munyaya dzemabhizimisi.

VaMoyo vanoti masangano akaita seWorld Bank ne International Monetary Fund masangano anoita zvinhu zvinofadza vatongi kwete veruzhinji.

Mukuru wesangano weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedziysai Runhanya, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo zvichiita sekuti World Bank ne IMF dziri kunakirwa nezviri kuitwa neZimbabwe, masangano aya anoita zvisingafadze veruzhinji.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvevashandi, Amai Sekesai Nzenza, kuti timwe divi ravo panyaya iyi sezvo vanga vasingadaire nharembozha yavo.

Asi ZCTU iri kuramba yakatsika madziro ichiti hurumende ikatadza kubuda nehurongwa hunotambirwa nevashandi paichaita musangano wayo wedare remakurukota, vashandi vacharatidzira zvakasimba.

ZCTU yakadaidzira kuti vanhu vagare mudzimba dzavo muna Ndira kwemazuva matatu.

Mumhirizhonga yakaitika mumazuva matatu aya, pane vanhu vakapfurwa vakafa, uye mazana nemazana evanhu vakasungwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG