Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yokurudzira Vashandi Kuramba Kutambiriswa Madhora eMunyika


New Money Currency 3
New Money Currency 3

Sangano guru rinomiririra vashandi munyika reZimbabwe Congress of Trade Unions (ZCTU) riri kukurudzira vashandi kuti kutanga mwedzi uno varambe kubhadharwa nemari yemunyika iyo vati yapera samba zvachose sezvo isisina chine musoro chainotenga.

Mutungamiri we ZCTU, VaPeter Mutasa, vati nekuda kwekuondomoka kwaita hupfumi munyika, mari dziri kutambirwa nevashandi hadzina zvadzichatenga nekudaro vashandi vanofanirwa kuramba kutambiriswa mari yavati isisina chainobatsira nacho.

VaMutasa vati sesangano vanoona zviri nani kuti vashandi vapiwe mari yemaRands yekuSouth Africa vakati izvi ndozvingatoita kuti vashandi vakwanise kuzviriritira nekuchengetedza mhuri dzavo.

ZCTU yatiwo iri kuda kuti nyika iite chirongwa chitsva chehupfumi hwenyika chinotarisawo vanotambura munyika nevasina mabasa.

Mutungamiri weAlmagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vati sevarairidzi vari kutarisira kutambira mari yekunze nekuti zvavari kutenga zviri kutengeswa nemari yekunze.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Doctor Prosper Chitambara, avo vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, vati kukwira kuri kuita zvinhu zuva rega rega kuri kusiya mari dzevashandi dzisingachatengi chinhu.

VaChitambara vati vemabhizimusi vamwe vave kutengesa zvinhu zvavo nemari yekunze nekuda kwekushaya simba kwemari yemuno, vakati vashandiwo vanowana mari yemuno havasisina zvavachakwanisa kutenga pamari dzemihoro.

Mutungamiri wesangano revashandi reEmployers Confederation of Zimbabwe Industries Doctor, Israel Murefu, vati vashandirwi vazhinji havakwanisi kubhadhara vashandi nemari yekunze nekuti mabhizimusi avo ari kutengesa zvinhu nemari yemuno.

VaMurefu vati asi vamwewo vashandirwi vari kutengesa zvigadzirwa zvavo nemari yekunze vanogona kutambirisa vashandi vavo mari yekunzi vakati vamwe vemakambani vari kutoita izvi.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kudivi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rinoona nezvemaindasitiri, Doctor Sekai Nzenza, vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Gurukota rinoona nezvevashandi, VaPaul Mavhima, vanga vasiri kudairawo nhare mbozha yavo. Asi mumashoko avo ekucherechedza zuva revashandi, mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati kodzero dzevashandi dzinofanirwa kuremekedzwa vakabvumawo kuti kunyange hazvo hurumende yavo iri kuedza kuwedzera vashandi mari, mamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi ari kukanganisa kuti mari iyi ikwanire vashandi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG