Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inoudza Dare Kuti Mushandi Haafanirwe Kumakidzwa Kubayiwa Nhomba yeCovid-19


Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo.
Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo.

Sangano revashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZTCU, raenda kumatare nechikumbiro chechimbichimbi chekuti vashandi vasamanikidzwe kubayiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19 richiti zviri kuitwa pari zvino zviri kutyora kodzero dzevashandi.

ZCTU yaendesa kudare gurukota revashandi, VaPaul Mavima, gweta guru rehurumende, VaPrince Machaya, pamwe nemamwe makambani ari kurambidza vashandi vasina kubayiwa nhomba yeCovid-19 kuenda kubasa.

Makambani aya anosanganisira makambani ehurumende anoti NetOne neZimbabwe National Road Administration kozitiwo makambani akaita seWindmill, Zimnat Insurance, SeedCo Zimbabwe pamwe neManicaland State University of Applied Science.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vaudza Studio 7 kuti vaenda kudare mushure mekuwana zvichemo zvakawanda kubva kuvashandi vari kurambidzwa kushanda nekuti havana kubayiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19.

VaMoyo vati vanhu vane zvikonzero zvakasiyana siyana zvekuti vasabayiwe zvinosanganisira kutoshaya nhomba dzacho.

Vatiwo hazvina zvazvinobatsira kuti makambani aya anorambidza vashandi vasina kubayiwa kushanda asi vatengi vemakambani aya vachibvumidzwa kupinda mukambani aya vasina kubayiwa izvo vati rusarura rwunifanuira kumiswa.

Vatiwo zvinosuwisa kuti hurumende iri kuramba yakapeta maoko kodzero dzevanhu dzichitsikwa tsikwa.

Mutungamiriri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe, Dr Israel Murefu, vaudza Studio 7 kuti pana nhengo dzavo dziri kutora matanho ekuchetedza hutano hwevashandi.

Dr Murefu vati sekuziva kwavo hapana vashandi vari kudzingwa basa nekuti havana kubayiwa nhomba vachiti vari kungonzi vagare kumba kuitira kuti vasaparadzire chirwere ichi kune vaya vakabayiwa.

VaMavima vaudza Studio 7 kuti vari kupikisa chikumbiro cheZCTU kudare.

Vati kuenda kumatare handiko kungagadzirisa nyaya iyi vachiti hurumende, vashandi nevashandirwi vanofanira kuita nhaurirano dzekugadzirisa nyaya iyi pasi peTripatite Negotiating Forum.

Vatiwo zvakakosha kuti vashandirwi nevashandi vataurirane mumakambani avo.

Vatiwo denda reCovid-19 riri kupedza vanhu pasi rese uye hurumende haingaregi vanhu vachipera nekuda kwekuti pane vamwe vasingade kubayiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19.

Dare repamusoro rinotarisirwa kutara zuva rekuti nyaya yeZCTU ichanzikwa rini svondo rinouya.

Zimbabwe inoti iri kuronga kubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzanakuitirakuti Covid-19 isarambe ichipararira munyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG