Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yoyeuchidza Veruzhinji Kuratidzira neMuvhuro


ZCTU President Peter Mutasa
ZCTU President Peter Mutasa

Sangano revashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, riri kuyeuchidza vanhu vese munyika kuti vapinde muhurongwa hwekuratidzira pamabasa avo nemusi weMuvhuro.

Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti zvakakosha kuti munhu wese, pese paari zvake, ambotora nguva yekuratidzira ari paanoshandira, senzira yekuudza hurumende kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika, izvo zviri kupa kuti vanhu vashupike.

VaMutasa vanoti nhaurirano dzevashandi nevashandirwi, pasi pehurongwa hwe Tripartite Negotiating Forum, hazvina zvadziri kubatsira nazvo sezvo hurumende iri kuramba yakaisa zvipikiri munzeve.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende kuburikidza negurukota rezvevashandi, VaPaul Mavhima, sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

VaMutasa vanoti munhu wese ari munyika haasi kutambira mari inokodzera sezvo zvinhu zviri kuramba zvichioma munyika.

Vanoti zvakakosha kuti hurumende igare pasi nevashandi yotaurirana navo murunyararo kwete kuvarova pamwe nekumbunyikidza kodzero dzavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:09:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG