Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yotsamwiswa neDanho Rakatorwa neHurumende


ZCTU President Peter Mutasa
ZCTU President Peter Mutasa

Sangano rinomirira vashandi munyika, reZimbabwe Congress of Trade Unions, kana kuti ZCTU, rinoti hurumende inofanira kusiyana nedanho rayakatora nezuro rekudzora mari yemunyika richiti danho iri rakatorwa zviri kunze kwemutemo weTripartite Negotiating Forum Act, TNF, uyo unosungira kuti pave newirirano pamatanho akadai asati atorwa.

Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vaudza vatori venhau kuti zvakaitwa nehurumende nemusi weMuvhuro zvinoratidza kuti haina kuvimbika uye iri kubata vanhu kumeso kana ichiti inokoshesa TNF asi iyo ichitora danho rakakosha kudai isina kutaura nedzimwe ngengo dzeTNF.

VaMutasa vati zvinoshamisa kuti gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vakatora danho iri asi nyaya iyi yange iri kufanirwa kutaurwa nezvayo pamusangano weTNF uye uchaitwa muHarare mangwana.

VaMutasa vati danho iri handiro richapedza kutambura kwevashandi uye vange vakatotarisira kuti mari yekuAmerica ndiyo ichashandiswa munyika pachigadziriswa nyaya dzehupfumi dhora remuZimbabwe risati ratanga kushandiswa zvekare.

VaMutasa vati neChitatu vari kuenda kumusangano weTNF kunoudza hurumende nekusafara kwavo nedanho iri uye kuti vacharatidzra kana hurumende ikasaterera zviri kudiwa nevashandi.

Vatiwo vari kutaura nemagweta avo kuti vaone kuti vangakwidzeseyi nyaya iyi kumatare vachipikisa danho rakatorwa nehurumende sezvo vachiti rinopokana nebumbiro remitemo yenyika iro rinoti hurumende inofanira kunzwa kubva kune veruzhinji pasati paitwa matanho makuru akaita seiri.

Kune musangano weTNF neChitatu, unove mubatanidzwa wevashandi, vemabhizimisi pamwe nehurumende.

VaMutasa vati mari yenyika ndeimwe yenyaya dziri mudariro pavachasangana neChitatu.

Mutungamiri wesangano remubatanidzwa wemasangano anomirira vashandi vehurumende, reApex Council,Amai Cecilia Alexander Khowa, vabvuma kuti kune musangano weTNF uye vachataura zvakawanda musangano uyu wapera.

Vachitsanangura danho ravo, VaNcube vakati vakatora danho iri mushure mekuteerera kuvashandi vehurumende nemusi weChishanu.

Vakati vashandi vakavaudza kuti vainge vasisa kwanise kuramba vachienda kubasa nekuti mari dzavo hadzichina simba sezvo vemabhimisi nezvitoro vave kutara mitengo yavo nemadhora ekuAmerica.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kugurukota rezvevashandi, Doctor Sekai Nzenza, sezvo vange vasingadaire mbozhanhare yavo.

Hatinawo kukwanisa kunzwa kubva kune vakafanobata chinzvimbo chemutungamiri weEmployers Confederation of Zimbabwe, Doctor Israel Murefu, kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG