Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yoshushikana neKutyityidzirwa Kwairi Kuitwa


Tirivanhu Marimo, okuhlangothi lwabatsha kunhlanganiso yeZCTU lomongameli we ZCTU uMnu. Peter Mutasa.
Tirivanhu Marimo, okuhlangothi lwabatsha kunhlanganiso yeZCTU lomongameli we ZCTU uMnu. Peter Mutasa.

Hutungamiri hwesangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, hunoti hwave kutyira hupenyu hwahwo zvichitevera kutambira kwahunoti hwakaita tsamba dzine mabara epfuti nemusi weChipiri.

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa yashora kutyisidzirwa kweZCTU uku pamusangano waitirwa muHarare.

Munyori mukuru muZCTU, VaJaphet Moyo, vaudza Studio7 kuti vakatambira tsamba nezuro yaive nemabara epfuti tsamba iyi ichivatyisidzira nerufu kana vakaenderera mberi nehurongwa hwekuronga kuratidzira munyika yose svondo rinouya.

VaMoyo vati vamhan’ara nyaya iyi kumapurisa kuti aferefete uye vati sesangano rinomirira vashandi, havasi kuzodzokera kumashure nenyaya yekumirira zvido zvevashandi

Munyori anoona nezvevashandi muMDC, VaGideon Shoko, vaudza vatori venhau kuti hurumende inofanira kugadzirisa matambudziko ari kutarisana neveruzhinji munyika kwete kuswera vachishungurudza vashandi avo vavati vari kuona pfumvu nekutadza kufambisa basa zvakanaka kwavati kuri kuitwa nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda neUniversity of Johannesburg kuSouth Africa, Doctor Pedzisai Ruhanya, vaudza Studio7 kuti kutyisidzirwa kwehutungamiri hweZCTU uku kune ruoko rwehurumende mukati. VaRuhanya vati hurumende yaVaMnangagwa iri kuramba ichizvipfura mutsoka.

Asi gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika, Amai Oppah Muchinguri, vaudza Studio 7 parunhare kuti hurumende haina chainoziva nezvenyaya iyi vakati tinzwe zvakawanda kubva kumapurisa.

Asi mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati havasati vave neruzivo nezvenyaya iyi.

Kutyisidzirwa kwehutungamiri hweZCTU kunouya panguva iyo veruzhinji vasiri kufara nemamiriro akaita hupfumi hwenyika uye vashandi vehurumende vachiti vanoda kuwedzerwa mari dzemihoro sezvo vachiti mari yavari kutambiriswa haisi kuvakwanira kuti vaende kubasa pamwe nekuraramisa mhuri dzavo.

Vashandi vehurumende vanoti vari kuda kuwedzerwa mari kuitira kuti mushandi ari pasi-pasi atambiriswe mari inoita zviuru zvina zvine mazana manomwe nemakumi mashanu emadhora eRTGS.

Zvichakadai, sangano rinomirira vadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe rinoti nhengo dzaro dzicharega kuenda kubasa kubva neMuvhuro svondo rinouya kana hurumende ikaramba yakaisa zvimiti munzeve pachikumbiro charo chekuti vashandi vehurumende vawedzerwe mari dzemihoro.

Vashandi vehurumende vakaramba kutambira madhora makumi mapfumbamwe nemanomwe avakapihwa nehurumende vachiti mari iyi yakangofanana nekuti hurumende haina mari yayavawedzera sezvo vachiti zvinhu zvadhura munyika zvekuti mari iyi haina chainovakwanira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG