Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inoti Mutemo Hauna Kutevedzwa Pakutambira Kwakaitwa ARTUZ Musangano Iri


Mr Peter Mutasa

Mutevedzeri wemunyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions (ZCTU), VaThomas Masvingwe, vanoti kanzuru huru yeZCTU yakatara kuti masangano eAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe nereFootwear Tanners and Allied Workers Union haakwanisi kupinda mumusangano mukuru uchaitwa nemusi weChishanu, svondo rino, 29 Gumiguru.

VaMasvingwe vanoti masangano maviri aya haasi nhengo dzeZCTU nokuti mitemo yesangano revashandi iri haina kutevedzwa mukutambirwa kwavo senhengo.

Masangano maviri aya akaendesa sangano reZCTU kumatare edzimhosva achiti kongiresi yesangano iri, ichaitwa svondo rino, haifanire kuenderera mberi mushure mekunge patorwa danho rekuti masangano aya asavhote pakongiresi iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Studio 7 haina kukwanisa kubata mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, nevamwe vari kunzi havasi nhengo dzeZCTU kuti tinzwe divi ravo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG