Accessibility links

Breaking News

Vechidiki veZanu PF Vogadzirira Kufora neChitatu Vachitsigira VaMnangagwa


Vechidiki veZanu PF vachifora mumigwagwa.
Vechidiki veZanu PF vachifora mumigwagwa.

Veboka revechidiki muZanu-PF, avo vaimbenge vazivisa kuti vanodawo kufora neChipiri vachiratidzawo kuti vanotsigira zvakasimba mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti vave kuzoita izvi nemusi weChitatu.

Pange pave kutyirwa kuti paizogona kuita bata murefu bata mupfupi vatsigiri vechidiki ava vachirwisana nevemapato anopikisa, sezvo vemubatanidzwa weMDC Alliance vakazivisawo kuti vachafora neChipiri.

asi veZanu PF varamba kuti kufora kwavanga vari kuronga kuita kwanga kwakarongerwa kuvhiringidza kuratidzira kweve MDC Alliance, avo vari kuda kuratidzira muguta reHarare senzira yekuratidza kusafara kwavo nezvavanoti mabatirwo ari kuitwa nyaya dzesarudzo neZEC, iyo yavari kupomera mhosva yekusaita zvinhu pajekerere.

Mumwe wevari kuronga kufora uku VaGodfrey Tsenengamu vanotungamira vechidiki veZANU PF kuMashonaland Central vaudza Studio 7 kuti vaona zvisina kukodzera kuti vaite chiitiko chavo musi mumwechete ne veMDC Alliance, vachiti izvi zviri kuratidza kukura kwavo mune zvematongewro enyika nekunzwisisa kuti zvinhu zvachinja kubva papinda VaMnangagwa panyanga.

Vanotiwo vazviita vachiteerera mashoko evakuru vavo vebato ekuti vari kuda kuita sarudzo dzakachena dzisina kurwisana ne mhirizhonga.

Chirongwa chavo vati chichatanga na 9 mangwanani muHarare paRovert Mugabe Square kusvika masikati zuva rimwechetero.

Kunyange hazvo vezanu PF vari kuratidza sevamisa kufora kwavo uku nenyaya yekuti kwanga kuchisangana neveMDC Alliance, mashoko atiri kutambira anoti mapurisa ndiwo amisa kufora uku mushure mekunge anyima vechidiki ava mvumo yekufora achiti zuva ravakasarudza rakatorwa kare nevakatanga, vanove veMDC Alliance.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG