Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoyambira Vatsigiri Vayo Panyaya Yemapoka


Zanu PF inoti ichadzinga vese vachawanikwa vachikurudzira kupesana mubato iri zvisinei nechiremerera chavo uye chigaro chavo mubato.

Yambiro iyi yaturwa nhasi nemunyori wemabasa mubato iri, vaDidymus Mutasa, pamusangano wavaita nehutungamiriri hweZanu PF mudunhu reHarare.

VaMutasa ndivo vanotungamira komiti yakasarudzwa neZanu PF kuti ishanyire matunhu ese kunotsanangurira vanhu zvakapa kuti hutungamiri hwematunhu madiki huputswe.

Komiti yavaMutasa iyi yapedza basa rayo nhasi nekusangana neHarare province. Dzimwe nhengo dzekomiti iyi dzinoti vaWebster Shamu pamwe chete namuzvare Oppah Muchinguri.

Makakatanwa ari muZanu PF ari kukonzerwa nemapoka anoda kutora chinzvimbo chemutungamiri webato iri, vaRobert Mugabe.

Nyanzvi yezvematongerwo enyika inodzidzisa pa Huddersfield University kuBritain, vaNkululeko Sibanda vaudza Ntungamili Nkomo weStudio 7 kuti havaoni makakatanwa arimuZanu PF achipera.

XS
SM
MD
LG