Accessibility links

Breaking News

ZANU-PF Yotashurana neNyaya yeSarudzo


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kukokera musangano wePolitiburo webato ravo neChitatu uyo uri kutarisirwa kukandiranwa makobvu nematete sezvo uchazeya nyaya yekusawirirana mubato reZANU-PF panyaya yesarudzo nekuvandudzwa kwemabasa emauto.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti ZANU-PF iri kuda kubuda nechisungo chimwe chete isati yaenda kumusangano wakakosha weSADC kuNamibia svondo rinouya uyo uchazeya nyaya yeZimbabwe.

Vakaoma musoro muZANU-PF vanoti vari kuda kuti sarudzo dziitwe gore rino kunyange hazvo vakawanda munyika nekunze vachiti hazvikwanisike.

Mutauriri weZANU-PF, VaRugare Gumbo, vanodzokorora mashoko ekuti vari kutungamira ZANU-PF munhaurirano VaPatrick Chinamasa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, havana simba rekuti vataure nezvezuva resarudzo vachiti izvi zvinoitwa naVaMugabe chete.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti chapa kuti mubato mupinde chando inyaya yekuti mutongi gava, VaJacob Zuma, vazivisa kuti vari kuda kuti vataure nevakuru vemauto, mapurisa nevasori kuti vanofanira kuvandudza mabatiro ebasa ravo uye kusiyana nenyaya yekutsigira ZANU-PF.

VaGumbo vatenda kuti Politiburo ichasangana neChitatu asi havana kuda kutaura kuti nyaya yesarudzo inenge iri mugango.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe vanoti ZANU-PF haichazive pfumo rovobaya.

XS
SM
MD
LG