Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yosiiwa paMhene paNyaya yeSarudzo


MDC-T inoti zuva resarudzo rinofanira kuti ritarwe pachitariswa zvinoda kuti zvitange zvagadziriswa pasati paitwa sarudzo.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vari kusangana nePolitiburo yavo neChishanu svondo rinouya kuti vazeye nyaya yesarudzo, vanoti vari kuda kuti sarudzo dziitwe gore rino panongopera kunyorwa bumbiro idzva remitemo, kana rikasapera poshandiswa bumbiro riripo.

Asi neChina MDC-T National Council yakabuda nechisungo chekuti hapana sarudzo dzinofanira kuitwa pasati pagadziriswa nyaya dzemhirizhonga nemitemo ine chekuita nesarudzo.

Danho reMDC riri kusiya Zanu-PF yave pamhene ikada kuita zano ndega pasarudzo sezvo South Africa, inova mutongi gava panyaya yezimbabwe, ichitiwo inoda kuti gpa izadzikiswe pasati paitwa sarudzo.

Mapato madiki akaita seMavambo neZAPU anotiwo haasi kuzopinda musarudzo dzisina kuchena.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti mutongi gava, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vane nhamo dzovamomoterawo sezvo vatarisana nesarudzo mubato ravo izvo zvopa kuti vasanyanyosimbirira nyaya yeZimbabwe.

Asi chipangamazano chavo, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti vazuma vakazvipira kugadzirisa nyaya yeZimbabwe.

Asi mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti hakuna sarudzo dzinoitwa dzichidaidzirwa naVaMugabe vari voga.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTrevor Maisiri, avo vanoshanda nesangano reInternational Crisis Group muZimbabwe vanoti zvinonetsa kuti VaMugabevaite zano ndega panyaya yesarudzo.

XS
SM
MD
LG