Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yorambidza VaVan Hoogstraten Kupa Huchapupu Ichityira Kuti Vangafukura Hapwa paNyaya yeHwange Colliery


Hwange Colliery
Hwange Colliery

Nhengo dzeZanu PF nemusi weMuvhuro dzakaramba kuti muzvinabhizinisi, VaNick van Hoogstraten, avo vanove mumwe wevaridzi vekambani yemarasha, yeHwange Colliery, vape humbowo mudare iri.

VaVanHoogstraten vaida kupa humbowo maererano nemafambisirwe ebasa mukambani iyi izvo zvisina kufadza sachigaro wekomiti yezvezvicherwa, VaTemba Mliswa, avo vazivisa kuti vanogona kusiya basa ravo. Godwin Mangudya anotipa nyaya inotevera.

Kunze kwehurumende, VaVan Hoogstraten, ndivo vane zvikamu zvakawanda muHwange Colliery uye vange vakokwa neparamende kuti vazopa humbowo maerarano nemashandiro ekambani iyi sezvakaita vamwe asi izvi zvarambwa nenhengo dzeZanu PF.

Nhengo dzeZanu PF dzakaita ruzha dzichiramba kuti VaVanHoogstraten vasape humbowo dzinosanganisira, mumiriri weBuhera West VaSoul Nzuma, mumiriri weChiredzi North, VaRoy Bhila, mumiriri weGutu West VaJohn Paradza.

Nhengo idzi dzakapopotedzana nasachigaro wekomiti iyi VaTemba Mliswa avo vakati nhengo dzange dziri kusvibisa zita nechimiro chebato radzo sezvo izvi zvose zvange zviri kuitika mumaziso aVaVan Hoogstraten.

VaVan Hoogstraten vakaratidza kusafara nezvange zviri kuitika uye vakati dai zvaibvira nhengo dzainge dziri kuita ruzha dzadzingwa mudare nenyaya yekurizvidza.

Asi VaVan Hoogstraten vakaudzwa nenhengo idzi kuti harisi basa ravo kudziudza zvekuita.

Mushure meawa rimwe rekukandirana makobvu nematete mabharani wedare reparemende, VaKenneth Chokuda, vakazokwanisa kudzima gakava iri pakatorwa danho rekuti VaVan Hoogstraten vachirega kupa humbowo sezvo nyaya kugadziriswa kana kuti Reconstruction yeHwange Colliery yave kumatare edzimhosva.

VaMliswa vakatiwo zvakaitika hazvina kuvafadza zvachose uye vanoona sekuti hazviratidzi chimiro chakanaka chenhengo dzeparamende.

VaMliswa avo vanozvimirira vati vakapihwa chigaro ichi neZanu PF uye zvinosuwisa kuti dzimwe nhengi muZanu PF hadzisi kuda kuti vari kuita huwori vasasikwe pachena.

VaMliswa vakati vachataura nevakuru uye vachizivisa veruzhinji kuti vacharamba vari sachigaro wekomiti iyi here kana kuti kwete.

Zvichakadai, VaVan Hoogstraten vakaudza vatori venhau kuti vachapikisa danho rakatorwa nehurumende rekuisa kambani yeHwange paReconstruction.

Nyaya iyi yakaiswa kuHigh Court svondo rapfuura sezvinodiwa nemutemo weReconstruction Act, uye ndipo pachapihwa muakana vese vanezvikamu mukambani iyi wekupikisa kana kubvuma danho rakatorwa nehurumende.

VaVan Hoogstraten vakati muHwange Colliery mune huwori hunotyisa zvekuti mukambani iyi muri kubuda mamiriyoni nemamiriyoni emadhora ekuAmerica asi pasina chiri kuuenda kuhurumende kana vamwe varidzi vekambani iyi.

Vakati huwori hwakanyanya kukwira mukati memakore matatu apfuura apo gurukota rezvezvicherwa pari zvino VaWinston Chitando vaive sachigaro wekambani iyi.

Vakati zvinhu zvakatombonyanya kuipa muHwange zvekuti pane imwe nguva vakatombokurudzira kuti mauto apinde mukambani iyi kuti apedze huwori hunotyisa hwainge hwoitika.

VaVan Hoogstraten vakati kambani iyi iri kuita mibatanidzwa nemishandirapamwe nemakambani akawanda kubva kunyika dzakaita seChina uye kunyange ivo vaine zvikamu zvakawanda mukambani iyi havana chavari kuudzwa.

Vakati hapana chingamutsiridze kambani iyi kunze kwekubvisa huwori uhwo vanoti hunozivikanwa nevatungamiriri venyika.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG