Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yoramba Mashoko eAmerica eKuti Iri Kuda Kuparadza MDC A, Asi Makurukota eHurumende Oramba Akanyarara


VaEmmerson Mnangagwa naVaNelson Chamisa
VaEmmerson Mnangagwa naVaNelson Chamisa

Hurumende yeZimbabwe yange isati yapindura zviri pamutemo kumibvunzo yatumirwa neStudio 7 nezvemashoko eAmerica ekuishora zvakanyanya nekuipomera mhosva yekuda kuparadza bato rinopikisa reMDC Alliance.

Studio 7 yatumira maibvunzo kumapazi ezvekuburitswa kwemashoko, mutemo, kudzivirirwa kwenyika uye kudyidzana nedzimwe nyika asi hapana ange ati apindura.

Bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica reState Department rakabutsa mashoko nezuro kuvatori venhau richiti rainge riri kutarisisa zvakasimba zvave kuitwa nehurumende zvekushandisa mapazi ehurumende kusanganisirawo matare nemapurisa kumbunyikidza vanopikisa.

America inoti iri kushushikanawo nekudzingwa kwenhengo dzeMDC Alliance mudare reparamende nemakanzuru.

Asi vachinyora padandemutande ravo reTwitter, mutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba vakati America yainge yaburitsa mashoko ekushora Zimbabwe uye vainge vamirira kungonzwa kubva kune vavanoti vatengesi vavasina kudoma nemazita.

America inoti Zimbabwe iri kutyora bumbiro remutemo wayo nekurambidza mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa kuita misangano yavo asi nekune rimwe rutivi mapato anopikisa anodyidzana neZanu-PF achiita madiro aJojina.

Nyika iyi yati zviri pachena kuti zvose izvi zviri kuitirwa kuda kukanganisa vanopikisa kuti vakwikwidze vakasungunuka musarudzo dza2023..

Asi vachipindura, mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vati America iri kuda kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika muZimbabwe.

Mashoko aVaTafadzwa Mugwadi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri weAmerica VaJoe Biden vakatowedzera nerimwe gore zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe vakuru muhurumende yavo vachipomerwa mhosva yekutonga nedemo.

Vanorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga vati havasi kushamisika nemashoko eAmerica nekuti Zimbabwe iri kutyora mutemo wayo.

Mashoko aVaDewa Mavhinga
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi Zimbabwe inoti zvirango zvakatemerwa nekuti yakatora minda kubva kuvachena ichipa vatema.

Mune imwe nyaya, vakuru muhurumende havasatiwo vapindura nezvekusungwa kwaVaAlyaksandr (Alexander) Zingman avo vanonzi vakapihwa chiremerera chekumirira Zimbabwe kana kuti Honorary Ambassador kuBelarus vachitengesawo zvombo zvehondo.

VaZingman vanonzi ndisahwira waVaMnangagwa nemapepanhau anoti reZimlive neDaily Maverick uye vakasungwa muLumbumbashi mushure mekuita musangano nevaive mutungamiri wenyika yeDRC, VaJoseph Kabila. VaZingman vanonzi vanotengesawo zvombo zvehondo kuZimbabwe neZambia.

Zimbabwe iri kutengeserwa mabhazi, matarakita nezvimwe zvekurimisa neBelarus iyo inodyidzanawo zvakasimba neRussia. VaMavhinga vati kusungwa kwaVaZingman hakupe nyika chimiro chakanaka kuZimbabwe sezvo VaZingman vakapihwa chiremererera chekumirira nyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG