Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yoparura Musangano Wayo wepaGore


Bato reZanu-PF rakaparura neChitatu musangano wayo wepagore kana kuti Annual Conference muHarare nekuita musangano wePolitiburo.

Musangano uchapindwa nemunhu wose zvake uchatanga neChishanu kwaMutareuchitarisirwa kupera nemusi weSvondo. Dingindira rawo nderekuti bato iri riri kuda kuendesa hupfumi kuvatema kana kuti "Total Control of Our Resources Through Indiginization and Empowerment.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti nyaya dziri kuzeyiwa kumusangano uyu dzinosanganisa mamiriro ehurumende yemubatanidzwa, mamiriro akaita zvinhu munyika, nyaya dzekuburitswa kwenhau, kubatsira vanoshupika uye migwagwa nezvimwe zviwakwa.

Asi vamwe mubato vanoti nyaya ichanyanyonetsa inyaya yesarudzo kuti dzoitwa here gore rinouya sezviri kutaurwa nemutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe.VaMugabe vanoti vaneta nenyaya yehurumende yemubatanidzwa. Musangano wepagore weZanu-PF hauitwe sarudzo kunze kwekubuda nezvisungo zvinozoitwa nebato gore rinotevera, uye kana mugore iroro muchiitwa sarudzo.

VaTrevor Maisiri nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vanoti Zanu-PF inowanzobuda nechisungo chimwe chete kunyangwe ichinetsana.

XS
SM
MD
LG