Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yokandirana Makobvu neMatete neANC paNyaya yeNhaurirano neVanopikisa


VaCyril Ramaphosa naVaEmmerson Mnangagwa
VaCyril Ramaphosa naVaEmmerson Mnangagwa

Kukandirana makobvu nematete kwave kuenderera mberi pakati pebato reANC yekuSouth Africa neZanu-PF panyaya yekuti matambudziko emunyika munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika ogadziriswa sei.

Mushure mekubvumirana kunonzi kwakaitika mumusangano kumuzinda weZanu-PF svondo rapera nenhumwa dzeANC kuti dzaizodzoka kuzotaura nevanopikisa nevakazvimirira, bato reZanu-PF rave kuimba rumwe rwiyo richiti hapana chibvumirano chakadai chakaitwa.

Bato iri rinoti ANC yave kuda kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika eZimbabwe isingaratidze kuremekedza nyaya yekuti Zimbabwe inyika yakazvimirira.

Mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF, VaTafadzwa Mugwadi, vaudza Studio 7 kuti hapana chakatenderawa neANC.

Mashoko aVaTafadzwa Mugwadi
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mumashoko kuvatori venhau, munyori mukuru muANC, VaAce Magashule, avo vakatungamira chikwata chebato ravo vanoti vari kutarisira kudzoka kuZimbabwe sezvakatenderanwa nemapato maviri aya kuti vataure nevanopkisa vakakumbirawo kuita musangano navo.

Izvi zvinopesana nemashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaudza vatsigiri vavo kuGweru kuti nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, dzakauya kuzoona ivo chete uye dzeANC dzakazotevera dzakauya kuzosangana nebato ravo reZanu-PF chete.

Asi vachitaurawo nevatori venhau, VaRamaphosa vanoti vakatumira nhumwa kuzotaura nemapato ose vachiti zviri kuitwa neANC nenhumwa dzehurumende zvakafanana sezvo vose vari kuda kuti vanzwisise zviri kunetsa muZimbabwe.

Vamwe muANC vari kutiwo nyaya dzezvematongerwo enyika muZimbabwe dzinonetsa kugadzirisa pasina kutaura nemauto zvinonzi zvakapa kuti gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika muSouth Africa, Amai Novisiwe Mapisa-Nqakula, vaite musangano kweawa imwe chete svondo rapera kumucheto wemusangano weANC neZanu-PF negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, Amai Oppah Muchinguri -Kashiri.

Vane ruzivo nezvemusangano wakaitwa svondo rapera vanotiwo ANC yakaudza Zanu-PF kuti kana isingadi kuti bato iri risangane nevanopikisa, nhumwa nhatu dzaVaRamaphosa dzakambouya kekutanga dzaigona kuzoita izvi.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti Zanu-PF ndiyo yapinza mhepo mumusha uye yave kutya kuti veANC vakauya vanoona kuti zvinhu munyika zvaita manyama amire nerongo.

Hurukuro naVaClifford Hlatywayo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG