Hutungamiri hweZanu-PF kubva mumatunhu akawanda, huri kuungana muHarare kuti huzopinda mumusangano mukuru webato iri we Congress iyo inoitwa kwapera makore mashanu.
Zvinonzi kune kugunun’una kukuru kuri kuitwa nevanhu vabva kumatunhu makuru eMashonaland West, Masvingo, Manicaland uye Matabeleland North, asi vasiri kufara nezvakaitwa nehutungamiri hwrbato ravo.
Vataura neStudio7 vanoti vanhu vazhinji vemumatunhu aya havana kufara nemasarudzirwo akaitwa vanhu vachapinda muhutungamiri hwepamusoro mubato iri, kana kuti Central Committee.
Zvinonzi vanhu vemumatunhu aya vakasarudza vanhu vavanoda, asi hutungamiri hwakazodoma mazita evanhu vamwewo vasina kunge vasarudzwa mumatunhu aya kuti vave nhengo dzedare re Central Committee.
Izvi zvinonzi zvakonzera mutauro mukuro muZanu-PF. NeChitatu, sachigaro weManicaland, VaBasil Nyabaza, vakati vasiya chigaro chavo nekusafara nekusarudzwa kwevatungamiri vebato iri, chinonzi nevamwe chiratidzo chekuti musangano wapindwa napongwe.
NeChitatu dare repamusoro soro reZanu PF rinonzi rakapedza maawa matanhatu richikandirana makobvu nematetete sezvo paipumhanwa huroyi panyaya iri kupa kuti bato rikundwe musarudzo neMDC.
Asi panonzi pakatenderanwa hapo kuti nyaya yekumanikidza vanhu kuti vavhotere vanhu vavasina kusarudzwa, ndiyo yainge yokonzera matambudziko.
Imwe nyaya yanetsa ndeyekuti remangwana rebato iri rakamira sei zvikuru parasvika pamupata wejeriko nekukundwa musarudzo neMDC, uye kumanikidzwa kupinda muhurumende yemubatanidzwa.
Zanu-PF yagara ichiti inoda kuti munyika muve nebato rimwe chete rinotonga, izvo zvakapawo kuti rinyengetedze kuti zapu ibatane naro muna 1987.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vanoti zviri kuitika muZanu PF zvinoratidza kuti bato iri harichina kusimba sezvarakange rakaita kare.
Asi imwe nyanzvi uye vari gweta rinoshanda riri kuBritain, VaLloyd Msipa, vanoti kunyange hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka muZanu PF, musangano uyu unogona kutosimbisa bato iri.