Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoyambira Vanoda Kuratidzira


VaEmmerson Mnangagwa

Zanu PF inoti inomira nemashoko akataurwa nemutungamiri wayo, VaEmmerson Mnangagwa, pamusangano wakaitwa nemusi weChishanu mudare rePolitburo yebato iri.

VaMnangagwa, avo vanove zvakare mutungamiri wenyika, vakayambira masangano evashandi, machechi, nemasangano akazvimirira, kuti anangane nemabasa awo ari pamutemo, kwete kupindira mune zvematongerwo enyika.

VaMangagwa vakatiwo vanozviziva kuti masangano aya ari kushanda nemapato anopikisa muda kuvhiringidza mashandiro ehurumende yavo.

Mashoko aya atsinhirwa nemushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, avo vanoti ichokwadi kuti masangano akazvimirira aya ava kuita zvematongerwo enyika achisiya basa rekuchengetedza kodzero dzevashandi.

VaMugwadi vanoti hurumende inozviziva kuti masangano aya ari kuda kuratidzira zvisiri pamutemo, uye mapurisa achange achiita basa rawo nemazvo mukuona kuti hapana anobvumidzwa kutyora mitemo yenyika munguva ino yeCovid-19.

VaMugwadi vatiwo sangano guru reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, riri kuita zvematongerwo enyika.

Vati mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vakamboyedza kuyananisa vatungamiri veMDC vari kunetsana, izvo zvinoburitsa pachena kuti sangano iri rinodyidzana nemapato anopikisa hurumende.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaMutasa kanawo MDC kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi mutungamiri weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vanoti sevashandi vane kodzero dziri mubumbiro remitemo yenyika, vanoshushikana zvikuru nemashoko aVaMnangagwa.

VaMasaraure vanoti vashandi havasi kuzofa vakanyarara kana hurumende ichitadza kugadzirisa nyaya dzemihoro yavo, uye vacharamba vachitaura zvinyunyuto zvavo.

Asi VaMugwadi vati hurumende inonzwisisa zvikuru zvichemo zvevashandi ndosaka yakawedzera mihoro yevashandi vehurumende nezvikamu makumi mashanu kubva muzana, pamusoro pezvo, ikavapa zvakare madhora ekuAmerica makumi manomwe nemashanu semari yekubatsirikana munguva yekurwisa Covid-19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG