Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inokunda Zvine Mutsindo Musarudzo?


Emmerson Mnangagwa Switzerland Davos Forum
Emmerson Mnangagwa Switzerland Davos Forum

Zanu PF yawana zvigaro zvakawanda zveNational Assembly, izvo zvinoita kuti ichinje yega bumbiro remitemo yenyika.

Kusvika pari zvino, Zanu PF yava nezvigaro zana nemakumi mana nezvishanu; MDC Alliance iine zvigaro makumi matanhatu, bato reNational Patriotic Front riine chigaro chimwe chete, ukuwo VaTemba Mliswa, avo vakakwikwidza vakazvimirira, vaine chigaro chimwe chete.

Pane matunhu matatu asati aziviswa veruzhinji kuti achange akamirirwa nani muparamende.

Pava nematunhu mazana maviri nemanomwe ava nevamiriri, kubva pazvigaro mazana maviri negumi zviri muparamende

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Zec, Justice Chigumba, vati sezvo vapedza kuzivisa zvakabuda musarudzo dzeparamende, zvakabuda musarudzo yemutungamiriri wenyika zvichaziviswa neChina.

MDC Alliance iri kupikisa zvabuda musarudzo idzi uye vatsigiri vayo varatidzira mumigwagwa izvo zvasiya vanhu vatatu vaurayiwa nemapurisa nemauto, mushure mekupfurwa.

Justice Chigumba varatidza kushushikana zvikuru nemhirizhonga yaitika vachiti vati vane zvichemo vanofanira kuenda kumapurisa kana kumatare edzimhosva.

Sachigaro weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaMorgan Komichi, vati MDC haisi kufara nezviri kubuda musarudzo nekuti inoziva kuti ndiyo yakakunda.

VaKomichi vashora kurohwa kwazoitwa vatsigiri vavo nemauto vachiti zvinoratidza kuti munyika hamuna runyararo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika zvakare vari mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vati kupindira kwaita masoja pakuratidzira kwevatsigiuri veMDC Alliance kunoratidza kuti zvinhu hazvina mumira zvakanaka panyaya dzesarudzo nezvimwe.

Hatina kukwanisa kutaura neZanu PF kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vari kukwikwidzana nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, musarudzo yemutungamiri wenyika.

VaChamisa vanoti kubva mune zvavatambira kubva kumativi mana enyika, huwandu hwevanhu vakavavhotera hunoratidza kuti ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Zanu PF inotiwo zviri kubuda musarudzo zvinoratidza kuti VaMnangagwa ndivo munhu akasarudzwa semutungamiri wenyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG