Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inobvisa paZvigaro VaMatutu, VaTsenengamu naVaTogarepi


VaGodfrey Tsenengamu naVaLewis Matutu

Bato reZanu PF rabvisa pachigaro vatungamiriri vebandiko revechidiki vanoti VaPupurayi Togarepi, VaGodfrey Tsenengamu naVaLewis Matutu mushure mekuvapomera mhosva yekurasa gwara remusangano.

VaMatutu naVaTsenengamu vakaita musangano nevatori venhau neMuvhuro vachipomera vamwe vana muzvinabhizinesi vanoshanda nebato iri mhosva dzehuwori.

Izvi zvaziviswa nevakafanobata chinzvimbo chemunyori anoona nezvekufambiswa kwebasa pamwe nekuburitswa kwemashoko mubato iri, VaPatrick Chinamasa, mushure memusangano wePolitburo yebato iri waitwa neChitatu.

VaTogarepi naVaMatutu, avo vange vari nhengo dzePolitburo semunyori nemutevedzeri wemunyori wezvechidiki, varasikirwawo nezvigaro zvavo mudare iri, uye imwe nhengo yevechidiki, VaTendai Chirau, ndivo vapuwa matomu kuti vasanobata chinzvimbo chemunyori wevechidiki muPolitburo chinove chinzvimbo change chiina VaTogarepi.

VaChinamasa vati Politburo yatora danho iri mushure mekunge yambovayambira mushure mekunge vataura mazita evanhu vakawanda gore rapfuura vachiti ndivo vaiita zvehuwori munyika.

Asi VaChinamasa vati VaTogarepi, avo vbanomirira Gutu South muNational Assembly, uye vari mukokeri weZanu PF mudare iri, vacharamba vachikokera nhengo dzedare reparamende.

Vati VaMatutu naVaTsenengamu vabvisawo pazvigaro zvavo muYouth League kwegore uye kana gore rapfuura vanogona kukwikwidza zvigaro muYouth League.

Vaviri ava vanziwo vaende kunodzidziswa gwara remusangano kuchikoro chemusangano chinodzidzisa gwara iri cheHebert Chitepo School of Ideology.

Hatina kukwanisa kubata VaTogarepi, VaTsenengamu naVaMatutu kuti tinzwe divi ravo manyaya iyi sezvo nharembozha dzavo dzanga dzichinetsa kubata.

Nemusi weMuvhuro VaTsenengamu naVaMatutu vakadoma muzvinabhimisi, Kudakwashe Tagwirei, Billy Rautenbach naVaTafadzwa Musarara sevamwe vevanhu vari kuita huwori munyika uhwo vakati hwave kukonzera kutambura kweveruzhinji munyika.

VaMatutu naVaTsenengamu vakati vaiziva kuti pane zvaizoitika kwaviri vakakururudzira veruzhinji kuti varwise huwori munyika.

VaTagwirei nekambani yavo yeSakunda vakapihwa basa nehurumende pachirongwa cheCommand Agriculture kozotiwo VaRautenbach ndivo vega vakapihwa rezenisi nehurumende rekugadzira Ethanol iyo inosanganiswa nemafuta emotokari.

VaMusarara, avo vanova sachigaro wesangano revanogaya chibage, reGrain Millers Association of Zimbabwe, vakapomerwa mhosva yekukonzera kushaikwa kwehupfu munyika nenyaya dzehuwori.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG