Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yogadzirira Sarudzo Dzichaitwa Muna Kurume


Mike Bimha Industry Minister
Mike Bimha Industry Minister

Bato reZanu PF nhasi ratanga kutambira magwaro evanhu vanoda kumirira bato iri musarudzo dze by-elections dzichaitwa muna Kurume.

Asi Zanu PF inoti ichatanga yaita dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo dzemun Kurume.

Muchiziviso kunhengo dzebato ravo, murongi wemisangano muZanu PF, VaMike Bimha, vati Zanu PF ichapinda musarudzo dze by-elections nekudaro vese vanoda kumirira bato vanofanira kuendesa magwaro avo kumahofisi ebato iri mumatunhu avo.

VaBimha vati izvi zvinofanira kuitwa kusvika mangwana nenguva dza4 masikati.

Vati masichagaro ematunhu anofanira kuendesa mazita evanhu ava kumahofisi echikamu chebato ravo chekuronga musangano kana kuti Commissariat nemusi weMugovera masikati.

VaBimha vati bato richazivisa mazita evanhu vanenge vabvumidzwa kuti vamirire bato uye kana pachinge paita vanhu vakawanda vanoda kumirira bato pachinzvimbo chimwe chete, pachaitwa sarudzo dzemaprimary musi wa20 Ndira.

Zimbabwe Electoral Commission (ZEC) yakazivisa svondo rapfuura kuti vanoda kupinda musarudzo dze by-elections idzo dzichaitwa musi wa26 Kurume vanofanira kunyoresa kuZEC musi wa26 Ndira.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuna VaBimba sezvo vati vanga vasiri muhovisi.

Mumwe wechidiki muZanu PF, VaMunashe Mututsa vaudza Studio 7 kuti vanotambira chiziviso chebatoi ravo uye vechidiki vachaendesa magwaro avo kuti vapinde musarudzo.

Bato reZapu razivisawo kuti richapinda musarudzo idzi nekuti zvakakosha kuti veruzhinji vawane vatungamiriri vanovashandira.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, VaGift Ostallos Siziba, vaudza Studio 7 kuti bato ravo ritori mushishi yekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo dzichaitwa muna Kurume.

Asi vati rwendo runo havasi kuita sarudzo dzemaprimary vachiti dzinopesanisa vanhu.

Vati vanhu ndivo vanosarudza vanhu vavanoda kuti vavamirire kubva munzvimbo dzavanogara.

Mutauriri weMDC-T VaWitness Dube vati vatove pedyo nekupedza kutsvaga vanhu vachamirira bato ravo musarudzo idzi.

Asi kunyange hazvo mapato makuru munyika nemamwe ari kuita gadziriro yesarudzo idzi, bato idzva reIdeas Party for Democracy rinoti kupinda musarudzo idzi kutambisa nguva nemari.

Mutungamiri webato iri, VaHebert Chamuka, vaudza vatori venhau kuti havasi kupinda musarudzo idzi vachiti vachapinda musarudzo dza2023.

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatara 26 Kurume sezuva rekuita sarudzo dzekutsiva vanhu vakadzingwa kana kufa muparamende nemakanzuru.

Pane zvigaro makumi maviri nezvisere muNational Assembly nezvigaro zana nezvinomwe zvemumakanzuru zvichakwikwidzwa musi wa26 Kurume.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG