Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF neMDC Zvonetsana paNyaya yeMumiriri weLibya muZimbabwe

Libyan leader Moammar Gadhafi speaks to the press in Kiev, Ukraine, Thursday, Nov. 6, 2008. Gadhafi finished his trip to Ukraine, Belarus and Russia on Thursday which appears aimed at spurring competition between the countries for the best terms on arms a

Paita ropa rakaipa pakati peZanu-PF neMDC-T panyaya yekuti voita sei nemumiriri wenyika yeLibya muZimbabwe, VaTaher Elmagrahi, avo vakabuda pachena neChitatu kuti vari kutsigira vakapandukira hurumende yemutungamiri weLibya, VaMoammar Gadhafi.

VaElmagrahi nezvimwe zvizvarwa zveLibya zviri muZimbabwe vakaratidzira muHarare vachitsigira National Transitional Council.

Munyori mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaJoey Bimha, vakaudza vatori venhau muHarare neChitatu kuti Zimbabwe haichacherechedze VaElmagrahi.

VaGadhafi vaidyidzana zvikuru nebato reZanu-PF.

Mukokera weZanu-PF mudare reparamende, VaJoram Gumbo, vaudza Studio7 kuti vanotsigira mashoko aVaBimha.

Asi mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonnzora, vanoti zviri kuda kuitwa nedivi rehurumende reZanu-PF hazvina musoro.

Gweta vachidzidzisa mutemo paKent University kuBritain, VaAlex Magaisa, vanoti hurumende inofanira kubuda nechisungo chimwe chete.

XS
SM
MD
LG