Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF neMDC Zvonetsana neNyaya yaVaBennet


Kuwanikwa kwemubati wehomwe muMDC, VaRoy Bennett, vasina mhosva yekuda kupidigura hurumende yakare yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kwave kuunzazve zinyenyenyeke muhurumende yemubatanidzwa.

Kunyange hazvo VaMugabe vainge vavimbisa kuti vachatoresa mhiko VaBennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima kana vachenurwa nedare, bato reZanu-PF rave kuimba kamwe kambo.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanotiwo vanoda kuti VaBennett vatoreswe mhiko nechimbichimbi.

Asi munyori wezvemutemo muZanu-PF, VaEmmerson Mnangagwa, vaudza nhepfenyuro yeZBC kuti hapana chimbichimbi ichaitwa pakutoresa VaBennett mhiko.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vakaoma musoro muZanu-PF havasi kuda kuti VaBennett vatore mhiko kana kutopinda muhurumende yemubatanidzwa.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti VaMnangagwa ndivo chete vachataura nezvenyaya iyi.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vanoti zvave kuitwa neZanu-PF zvinoratidza kuti bato iri haridi kuti VaBennett vapinde muhurumende.

Zvichakadaro, sangano reAmnesty International rinoti kunyange hazvo VaBennett vachenurwa nematare edzimhosva, hurumende yemubatanidzwa haifanirwe kushungurudza vasingawirirane nepfungwa dzehurumende yaivepo yaVaMugabe.

XS
SM
MD
LG