Accessibility links

Breaking News

Nziyo dzeZanu PF paZBC Dzoshorwa neMDC


Nyanzvi munyaya dzekuburitswa kwemashoko dzinoti mimhanzi yeZanu PF paZBC inozvidza chibvumirano chemapato ari muhurumende

Kusawirirana pakati pe ZANU-PF ne MDC munyaya yemimanzi iri kuridzwa ne Zimbabwe Broadcasting Corporation, ZBC, inotsigira pamwe nekurumbidza mutungamiriri wenyika, Va Robert Mugabe, kwakwira makata mushure mekunge ZBC yaramba kuteerera zvakakomekedzwa nedare remakurukota nechipiri kuti isaridze mimhanzi iyi nekuti inoshora hurumende yemubtanidzwa.

Munyori webazi rezvekuburitswa kwemashoko, Va George Charamba, vaudza Herald kuti havasati vanzwa kubva kugurukota rebazi ravo, Va Webster Shamu, sezvo vari kunze kwenyika.

VaCharamba vatiwo vakafanobata chinzvimbo chaVaShamu, Va Francis Nhema, havasati vataura navo.

Asi vaimbova gurukota rebazi iri, uye vari mumiriri weTsholotsho North, Va Jonathan Moyo, vati dare remakurukota harinei nezvinoridzwa panhepfenyuro. VaMoyo vati vachaenda kumatare semuteereri kana mimhanzi iyi ikamiswa.

ZANU-PF inonzi yakataurawo mudare remakurukota kuti gwaro remutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, harifaniriwo kutaura zvinotsigira bato ravo chete nekuti izwe rekuti mutungamiri wehurumende rinoreva hurumende kwete bato.

Mutauriri we MDC, VaNelson Chamisa, vanoti zviri kuitwa ne ZANU-PF zvinozvidza hurumende yemubatanidzwa.

Mutungamiri weYouth Initiative for Democracy in Zimbabwe, Va Sydney Chisi, vatiwo nziyo idzi dzinofanirwa kumiswa, kuitira kuti hurumende yemubatanidzwa ienderere mberi zvakanaka.


Chipangamazano munyaya dzekutorwa nekuburitswa kwenhau musangano re Media Monitoring Project in Zimbabwe, VaEric Matingo, vanotiwo zviri kuitwa neZanu PF zvinotyora chibvumirano cheGlobal Political Agreement.

XS
SM
MD
LG