Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inoita Yega Musangano weKomiti yeZvehutano MDC Ichiramwa


Komiti yeparamende inoona nezvehutano yaenderera mberi nebasa rayo kunyange hazvo nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa dzaramwa kupinda mumusangano uyu dzichitsutsumwa nekudzingwa kwakaitwa nhengo ina dzebato iri muparamende.

komiti iyi yaita musangano hwekuzeya dambudziko re coronavirus pamwe nekuita chisungo chekuti gurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo, vauye svondo rinouya kukomiti iyi kuzotsanangurira komiti iyi kuti hurumende iri kufambisa seyi hurongwa hwekudzivirira kupararira kwehutachiona hwe corona virus.

Asi nhengo dzeMDC dzese dzekomiti iyi dzinosanganisira sachigaro wekomiti iyi, Dr Ruth Ladobde, hadzina kupinda mumusangano uyu dzichitevedza chisungo chebato iri chekumbomira kushanda nebato riri kutonga reZanu PF mumatare akaita separamende nemakanzuru.

Mutemo weparamende unoti musangano wekomiti unonenderera mberi kana paine nnhengo dzekomiti shanu kana kudarika.

Mutevedzeri wasachigaro vekomiti yezvehutano, Va Doubt Ndiweni veZanu PF, ndivo vakokera musangano wekomiti iyi.

Imwe nhengo yekomiti iyi zvakare vari sachigaro weMDC muHarare, VaWellington Chikombo, vati havasi kuzoenda kuparamende kudzamara zvichemo zvavo zvagadziriswa.

Asi mumwe mutsigiri weZanu PF, VaPeter Matange, vaudza Studio7 kuti hazvina zvazvinobatira kuti nhengo dzeparamende dzeMDC dzisaende kudare vachiti basa rinofambira mberi dzisipo kana dziripo sezvaitika nhasi.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika uye vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumanzu, vatiwo zvaitwa nnenhengo dzeMDC zvinoratidza kuti hadzimiriri zvido zvevakadzivhotera.

Asi mutungamiriri werimwe bato rinopikisa, reDemocratic Party, VaWurayari Zembe, vaudza Studio7 kuti zvaitwa neMDC zvakakosha chose sezvo zvichiburitsa nhuna dzavo pachena.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDehwa Mavhinga, vati kunyange hazvo MDC iri kutsutsumwa nematanho akatorwa neparamende, zvakakosha kuona kuti bato iri richafambira mberi sei mune zvose zvarinoita.

Zanu PF ine zvigaro zvakawanda muparamende zvinoita kuti iite pamadiro uye pamutemo pakusandura mitemo iri yega muparamende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG