Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voudza Bato Ravo Kuti Ritevedze Mitemo yeZanu PF Musarudzo dzeMatunhu


President Emmerson Mnangagwa addressing senior members of Zimbabwe ruling Zanu PF party on Oct. 29, 2021 in Bindura about 80km north of Harare (Columbus Mavhunga/VOA)

Bato reZanu PF raita musangano waro wePolitburo uyo wazeya dambudziko rechirwere heCovid-19 pamwe nemakakatanwa ari mubato iri pamberi pesarudzo dzematunhu dzichaitwa svondo rinouya.

Vachitaura panhasi kumusangano wePolitiburo yebato ravo, mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnanngagwa,vakurudzira kuti vanhu vabayiwe vachiti nyika ine nhomba inokwana vese vari kuda kubaiwa.

Nezuro chaiko Zimbabwe yakapihwa dzimwe nhomba miriyoni neChina zvichitevera chitsidzo chakaitwa nenyika iyi chekubatsira nyika dzemuAfrica nebhiriyoni renhomba dzekudzvirira Covid-19.

VaMnangagwa vaudza nhengo dzebato ravo pamusangano wePolitiburo kuti hapana munhu achabvumidzwa kutyora bumbiro remitemo yebato iri pasarudzo dzematunhu dzichaitwa svondo rinouya.

VaMnangagwa vati vashandi vebato vachaitisa sarudzo vanofanirra kutevedza bumbiro nemitemo yebato pasarudzo idzi uye havafaniri kutarisa kuti munhu ane chigaro chipi mubato,

Vatiwo vanenge vakundwa musarudzo idzi vanofanira kuramba vachishandira bato.

VaMnangagwa vatiwo sezvo nyika yatarisana nesarudzo muna 2022 na2023 nhengo dzemaDistrict Co-ordinating Committee dzinofanira kutsvaga rutisgiro nekuwona kuti vanhu vanyoresa kuvhota uye nhengo dzeCentral Committee, Politburo nemaWar Veterans ndivo vanofanira kupa gwara.

VaMnangagwa vatiwo apo nyika iri kupemberera zuva reUnity Day zvakakosha kuti vanhu vazive kukosha kwerunyararo, rudo pamwe nekubatana munyika.

Vayambirawo vanhu kuti vasafarisa panguva ino yezororo vachiti vanhu vanofanira kuzvibata, nekubayiwa nhomba pamwe nekuzvidzivirira kubva kuCovid-19 vachiti mapurisa achasunga vose vanotyora mitemo panguva yezororo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG