Accessibility links

Breaking News

Amai Oppah Muchinguri Kashiri Vokatyamadza Vanhu kuMash West


Amai Oppah Muchinguri Kashiri
Amai Oppah Muchinguri Kashiri

Sachigaro weZanu PF, uye vari gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri, vakatyamadza vanhu nhasi vachiti vanofarira chirwere cheCoronavirus vachiti chirwere ichi ishamhu iri kushandiswa naMwari kurova nyika dzavati dzakatemera Zimbabwe zvirango dzakaita seAmerica.

Amai Muchinguri Kashiri vatiwo Zimbabwe iri kurwiswa neMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Vachitaura muChinhoyi pamusangano wekuzivisa kuti hurumende yave papi nebhiri remutemo unobata vaimbove varwiri vehondo yerusununguko, Amai Muchinguri-Kashiri vakatyamadza vanhu vakawanda pavati vanofarira chirwere cheCoronavirus icho chiri kuuraya vanhu pasi rose, vachiti Mwari ari kutsiva zvirango zvavati zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzakaita seAmerica.

Asi mashoko aya ashoropodzwa nemumwe mugari wemuChinhoyi, VaJustine Munyaradzi, avo vati zvataura Amai Muchinguri-Kashiri mucherochedzo wekuti vatungamiri vehurumende havazive zviri kuitika pasi rose uye havazive kuti ivo vanogona kurwara nechirwere ichi sezvo chisingasarudze.

Amai Muchinguri Kashiri vatiwo bato reMDC riri kuita misangano yekuda kupidigura hurumende pakati pehusiku. Vatiwo bato reMDC ndiro rakatanga kuuraya vanhu nemabhemba munyika.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri weMDC, VaDaniel Molokele, kuti tinzwe pamire bato ravo panyaya iyi.

Asi vaimbove mutauriri webato reMDC, uye vari munyori anoona nezvesarudzo mubato iri, VaJacob Mafume, vati bato ravo harisi kuronga kupidigura hurumende asi kuti Zanu PF iri kuzvipidigura yoga nekutadza kutonga izvo zvapa kuti munyika muve nenzara, kushaikwa kwemabasa uye kushaikwa kwemari.

Panyaya yavanga vafambira, Amai Muchinguri-Kashiri vati vaive vanachibwido nanamujiba vachange vopihwawo mari sezviri kuitwa vaive varwi verusununguko. Asi vati vanhu ava vachatanga vamboongororwa kuti ichokwadi here kuti vakanga vari vana chimbwido kana mujibha.

Vamwe vanga vari pamusangano uyu vanosanganisira vaimbove sachigaro wevechidiki mubato reZanu PF, VaPepurai Togarepi, negurukota redunhu reMashonaland West, Amai Mliswa Chikoka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG