Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoita Makakatanwa eMasimba?


ED Mnangagwa
ED Mnangagwa

Vaimbove varwiri vehondo yerusununguko vabatana nevana vavo vachiratidzira muChinhoyi kusafara kwavo nekudhonzerana masimba kwavati kuri kuitika mubato ravo reZanu PF.

Vachitaura nhasi kuvana vevaimbove varwiri vehondo yerusununguko pasi pesangano reZimbabwe Liberation War Collaborators Trust, ZILIWACO Trust, avo vanga vakaungana panzvimbo yakaiswa nhoroondo yematangiro ehondo yeChimurenga yechipiri pedyo nemarinda anovigwa magamba edunhu muChinhoyi, mukuru wevaimbove varwiri verusununguko mudunhu reMashonaland West, VaConillius Muoni, vati nyaya yekunetsana muZanu PF yadzika midzi zvakadzama.

Vati makakatanwa ari muZanu PF anofanirwa kupera sezvo ari kuvhiringa mashandiro akanaka ebato iri.

VaMuoni vatiwo dai vanhu vakaita zvipoka nezvipoka zvaidhonzerana masimba munguva yehondo, dai nyika isina kutorwa kubva kuvachena.

Kunetsana kwaburitswa pamusangano wanhasi kunouya mushure mekunge bepanhau reThe NewsHawks raburitsawo nyaya yekuti kune vamwe vakuru vakuru muZanu PF vasiri kufara nehutungamiri hweZanu PF, vachiti VaMnangagwa, vakaita kuti kongiresi yaifanirwa kuitwa muna 2019, isaitwe.

VaMnangagwa vanonzi vakapinda panyanga mushure me extraordinary congress yakaitwa muna 2017 mushure mekunge mauto apidigura vaive mutungamiri wenyika panguva iyi, muchakabvu Robert Mugabe.

Pasi pemitemo yeZanu PF, kongiresi chaiyo yaifanirwa kuitwa muna 2019, asi yakamiswa kuitwa ichinzi ichaitwa muna 2022.

Nokudaro zvinonzi VaMnangagwa havana masimba ekutungamira Zanu PF pari zvino sezvo temu yavo yakapera muna 2019 paifanirwa kuitwa kongiresi dai VaMugabe vakaramba vari pachigaro.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, kanawo kumuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko mubato iri, VaTafadzwa Mugwadi, se3zvo vanga vasiri kubatika panharembozha dzavo.

VaMuoni vati kunyange muZanu PF muine zvikwata zviri kurwira masimba, Zanu PF ichatonga kusvika madhongi amera nyanga. VaMuoni vati vatungamiri vemapato anopikisa zviri nani kwavari kuti vapinde muZanu PF nekuti vachachembera vasina kutonga.

Vachitaurawo pachiitiko chanhasi, sachigaro weZILIWACO mudunhu
reMashonaland West, VaKudzanai Matenga, vati havasi kufara kuti vari kutorerwa minda kana vabereki vavo vafa vachiti izvi hazvina kunaka.

Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo,
vati mashoko evaimbove varwiri verusununguko aya agara achitaurwa
nevashoma vavo uye anoratidza humbimbindoga.

Mukuru wePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vati
nyaya yekuti nyika inofanirwa kutungamirirwa neZanu PF chete uye
nemunhu akurisa ipfungwa dzinodzosera nyika kumashure.

Sangano reZILIWACO rabudawo nechisungo chekuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vachakwiwidza vakamirira bato reZanu PF musarudzo dza2023.

Chiitiko chanhasi change chiri chekurangarira basa rakaitwa nevarwiri verusununguko, uye chatanga nekufamba kwevanhu vachibva muguta kusvika kumarinda anovigwa magamba muChinhoyi apo vatauri vakawanda vanga vachipa pfungwa dzavo pamusoro pehondo yerusununguko.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG