Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yopomera MDC Alliance Mhosva yeKusvipisa Hurumende yaVaMnangagwa


Victor Matemadanda, the war veterans' secretary, is among those who accuse the US of interference in Zimbabwean politics. In the photo, (08/21/2018) he talks to reporters in Harare.
Victor Matemadanda, the war veterans' secretary, is among those who accuse the US of interference in Zimbabwean politics. In the photo, (08/21/2018) he talks to reporters in Harare.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika, zvakare vari munyori musangano rinomirira vakarwa hondo yerusununguko, reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaVictor Matemadanda, vanoti bato reMDC Alliance ndiro riri kukonzera kushorwa kuri kuitwa pamwe nehurumende yeZanu PF sezvo risiri kufara mushure mekukundwa neZanu PF musarudzo dzapfuura.

VaMatemadanda vaudza vatori venhau muHarare nhasi kuti zvese zviri kuitika zvave nenguva zvichirongwa uye zvakatanga mushure mekunge MDC Alliance yakundikana musarudzo dza2018.

Vati MDC yave kushanda neshamwari dzayo dziri muno nekunze kwenyika ichisvibisa hurumende nebato reZanu PF ichashandisa vanhu vakaita semutungamiriri webato rinopikisa kuSouth Africa reEconomic Freedom Fighters, VaJulius Malema, pamwe nevaimbove mutungamiriri weBotswana, VaIan Khama.

VaMatemadanda vatiwo MDC iri kushandawo nenyika dzakaita seBritain neAmerica idzo Zanu PF yakakunda muhondo yerusununguko.

Vati zvakakosha kuti nyika dzemuSADC nemu Africa dzizive kuti kunyange nhasi iri Zimbabwe, mangwana i Botswana kana South Africa icharwiswa nenyika idzi.

Vatiwo muZimbabwe hamuna mhirizhonga vachiti vanoshamiswa kuti vari kunze vakaita saVaMalema naVaKhama vanoda kutaura nezveZimbabwe asi vasina zvavanoziva.

Vatiwo vaimbove nhengo dzeZanu PF vakaita saVaJonatahna Moyo naVaSaviour Kasukuwere ndivo vari kutaura manyepo pamusoro peZimbabwe vachiti vakashungurudzwa asi ivo ari matsotsi anofanira kudzoka kumusha kuti azotongwa nemhosva dzaakapara.

Asi mumwe wevatevedzeri vemutungamiriri webato reMDC Alliance, VaTendai Biti, vaudza Studio7 kuti VaMatemadanda pachavo vanoziva kuti hurumende nebato ravo zviri kutyora kodzero dzevanhu uye zvavari kutaura manyepo.

VaBiti vati zvisinei nezviri kutaurwa naVaMatemadanda, bato ravo rinofara kuti nyika dzemuSADC dzave kusvinura maziso adzo panyaya yeZimbabwe.

VaBiti vati vanogamuchira danho rakatorwa nemutungamiriri we South Africa, VaCryil Ramaphosa, rekudoma nhumwa mbiri dzichauya kuZimbabwe kuzogadzirisa zviri kunetsa.

VaBiti vati rwendo runo havasi kuzobatwa kumeso sezvakaitika nguva yaVaThabo Mbeki, avo vakayananisa mapato ezvematongerwo enyika pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio7 kuti ruzha rwave kutikita munyika pamwe nekunze pamusoro pemabasa ehurumende yeZimbabwe nebato reZanu PF rwunoratidza kuti hurumende yapesana nezvido zveveruzhinji.

Kunyange hazvo hurumende yeZanu PF ichiti hapana chakaipa chiri kuitika munyika, vana veZimbabwe, nyika dzepasi rese pamwe nemasangano akasiyana siyana kusanganisiraSADC neUnited Nations havasi kufara nembatirwo ari kuitwa vanhu nehurumende yeZimbabwe.

Munyori mukuru weUnited Nations, VaAntonio Guterres, vakanyorawo vachikurudzira hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa kuti ichengetedze kodzero dzevanhu. Vakakurudzirawo kuti mapato ose ezvematongerwo enyika, pamwe nemasangano akazvimirira atange nhaurirano murunyararo senzira yekupedza matambudziko ari muZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG