Accessibility links

Breaking News

Kutyorwa kweMitemo neZambia paNyaya yaVaBiti Kunosvitswa Mudare rePamusoro


Le président de la Zambie Edgar Lungu au Palais de l'Élysée, à Paris, le 8 février 2016.
Le président de la Zambie Edgar Lungu au Palais de l'Élysée, à Paris, le 8 février 2016.

Dare repamusoro muZambia raziviswa nemagweta emumwe mutungamiri weMDC Alliance, VaTendai Biti, kuti hurumende yeZambia yainge yatadza kutevedzera zvakatarwa nedare iri kuti VaBiti vapihwe mvumo yekupotera munyika iyi.

Gweta raVaBiti muZambia, VaGilbert Phiri, vati vaudza mutongi wedare repamusoro muZambia, Justice Pixie Yangeiro, kuti hurumende yeZambia yainge yatyora mutemo nekudzosera VaBiti kuZimbabwe zvichipesana nezvanga zvatarwa nedare iri kuti VaBiti vapihwe mukana wekupotera munyika iyi.

VaPhiri, avo vati vari kumirira VaBiti muZambia, pamwe nemamwe magweta maviri anoti, VaKieth Mweemba naVaMlambo Haimbe, vachadzokera kumatare edzimhosva muZambia kuti vapihwe zuva richanzwikwa nyaya yekutyorwa kwemutemo nehurumende yeZambia.

VaPhiri vati zvinotyisa kuti mapurisa ekuZambia vaisvika zana vakaperekedza VaBiti kuZimbabwe vakanovapereka kumasoja emuZimbabwe pakati peusiku zvinova zvavashoropodza zvakanyanya.

Mashoko aVa Phiri atsigirwa nechimwe chizvarwa chemuZambia chisina kuda kudomwa nezita asi chinotengesa mari pamukoto kuChirundu chati VaBiti vakadzoserwa kuZimbabwe pakati pehusiku nemapurisa nemasoja ainge akapakatira pfuti.

Chizvarwa ichi chiti ndicho chevamwe vanhu vakarwisa mapurisa emuZimbabwe neChitatu apo aida kusunga VaBiti pamuganhu weZimbabwe neZambia.

Chizvarwa ichi chati kunyange vasingazive mhosva yaVaBiti, vaityira kuti hupenyu hwaVaBiti mumaoko emasoja nemapurisa emuZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG