Accessibility links

Breaking News

Yoita Donga Watonga kuMuzinda weMDC muHarare Pachikandiranwa Makobvu neMatate


VaDouglas Mwonzora
VaDouglas Mwonzora

Vamwe vechidiki vebato reMDC vanoti vaive nezvigaro muna2014 vanoti muzinda weMorgan Tsvangirai House wava pasi pavo parizvino vachiti vanoda kuti vakuru vavo vaite nhaurirano.

Ari kutungamirira chikwata chiri mukati meHarvest House VaPaul Gorekore avo vanova sachigaro wevechidiki mudunhu reHarare uye vange vave kudivi reMDC T inotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe vati vaita chisungo sevechidiki kuti vabatanidze MDC Alliance neMDC T.

Asi munyori mukuru weMDC T, VaDouglas Mwonzora vati vanhu vatora muzinda wavo vanhu vakapihwa mari. VaMwonzora vapika kuti varikuzotora zvakare muzinda uyu.

VaGorekore vati vanoda kuti MDC igadzirisane pakusawirirana vari pamwechete uye vowirirana kuti voita musangano wecongress rinhi.

Vatiwo VaMwonzora vakaudzwa kare kuti vaite musangano weNational Council asi vari kutsika madziro.

Vechidiki ava vanoti VaMwonzora vari kuita zano ndega vasina wavaruma nzeve mukuita mabasa ebato.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatshwayo vaudza Studio 7 kuti havanei nezviri kuitika kumuzinda weMorgan Tsvangirai House.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaEarnest Mudzengi vanova zvekare mukuru weMedia Center vati zvirikuitika izvi mucherechedzo wekurwisana kuri mubandiko reMDC T.

Vakafanobata chigaro chasachigaro weMDC T VaMorgen Komichi vari mumuzinda uyu asi varamba kutaura nevatori venhau.

Dare guru rakapa mutongo wekuti varidzi vemuzinda weMorgan Tsvangirai House yaive MDC T inotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe mushure mekunge bato rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa ratorerwa muzinda uyi muna Kubvumbi wegore rino richiti mapurisa nemauto ainge ashandiswa kuvabvisa.

Asi kunyangwe mauto nemapurisa aivepo musi uyu akaramba kuti aive achibatsira VaMwonzora. Mapurisa auya zvekare nhasi uye pataenda pamhepo vange vachiri panze.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG