Accessibility links

Breaking News

YIDEZ Inokurudzira Hurumende Kuti Itange Hurongwa Hutsva Hwe Youth Service Hwakanaka

YIDEZ nhasi yati sezvo hurumende yemubatanidzwa yakabvumirana kuti panodiwa kuitwa hurongwa hutsva hwe National Youth Service, ivo vachatanga kuenda kuvanhu vachinzwa pfungwa dzavo, vozodzipira kune hurumende kuitira kuti hurongwa uhu husava hwekurova, kuponda pamwe nekushungurudza vanhu munyika.

Sangano re Youth Initiative for Democracy in Zimbabwe kana kuti YIDEZ rinoti hurumende inofanira kuenda kuvanhu muhurongwa hwayo hwekugadzira mutemo mutsva unowona nezve vechidiki kana kuti National Youth Service.

YIDEZ nhasi yati sezvo hurumende yemubatanidzwa yakabvumirana kuti panodiwa kuitwa hurongwa hutsva hwe National Youth Service, ivo vachatanga kuenda kuvanhu vachinzwa pfungwa dzavo, vozodzipira kune hurumende kuitira kuti hurongwa uhu husava hwekurova, kuponda pamwe nekushungurudza vanhu munyika.

Va Sydney Chisi ndivo director ve YIDEZ. Va Chisi vati chido chavo ndechekuona vechidiki vasingashandiswi munyaya dzezvematongerwe enyika.

Zvichakadaro, mutevedzeri wegurukota re vechidiki, Va Thamsanqa Mahlangu, vati hurumende yemubatanidzwa yakatomisa National Youth Service yakare kusvika zvinodiwa kuchinjwa zvaitwa kuti vechidiki vatange zvekare kuenda kunodzidza kumakamba e Border Gezi Training Centres.

Vati hurumende iri mushishi kudzirisa hurongwa hutsva hwe curriculum hwedzidzo huchange huchizotevedzera pachatangazve National Youth Service.

XS
SM
MD
LG