Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Inoenderera Mberi kuSouth Africa


APTOPIX South Africa Unrest
APTOPIX South Africa Unrest

Mhirizhonga inonzi iri kuramba ichienderera mberi mu South Africa.

Hurumende yeSouth Africa inoti pane vanhu vafa vashanu mumhirizhonga iyi.

Pane mashoko ekuti pane chizvarwa cheZimbabwe chimwe chete chafa mumhirizhonga iyi, uye zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinonzi zvapotera ku Soshanguwe, nzvimbo iri mudunhu reGauteng.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nehama neshamwari dzemunhu anzi akafa mumhirizhonga iyi.

Mhirizhonga iyi inonzi iri kukonzerwa nezvizvarwa zveSouth Africa izvo zviri kurwisa vabvakure zvichiti vari kutora mabasa avo.

Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vaudza musangano we World Economic Forum on Africa, kuti hurumende yavo yakazvipira kupedza mhirizhonga iri kuitika munyika iyi.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kupindawo musangano we World Economic Forum on Africa kuCape Town, uko vakataura naVaRamaphosa pamusoro pezviri kuitika mumhirizhonga.

Gurukota rezvekuburitwa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vatumira mashoko ekurwadzikana kuzvizvarwa zveZimbabwe pamwe nezvedzimwe nyika zviri kushungurudzwa mu South Africa.

Amai Mutsvangwa vati hurumende yeZimbabwe iri kushora zvakadzama zviri kuitika muSouth Africa, izvo vati zvinozvidza chisungo pamwe nedonzvo renyika dzemuAfrica, idzo dzakabata mu Addis Ababa muna 1963.

Amai Mutsvangwa vayambira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kushanyira South Africa kuti zviite izvi nenzira inochengetedza hupenyu hwazvo.

Mumashoko avo pamusoro pezviri kuitika muSouth Africa, mutungamiri webato guru rinopikisa muZimbabwe, reMDC, VaNelson Chamisa, varatidza kushushikana zvikuru nemhirizhonga iyi.

VaChamisa vati vanokurudzira vanhu vemuAfrica kuti varatidze hunhu hunobatanidza vanhu. VaChamisa vati zvinhu zvinorwadza kuona vanhu vamwe chete vachirwisana, sezvo vanhu vari kurwiswa muSouth Africa, vari vanhu vatema vari kurwiswa nevanhu vatema.

VaChamisa vakurudzira kuti kuve neAfrica itsva, umo sangano reAfrican Union rinenge richiita basa raro nemazvo mukugadzirisa zvinonetsa muAfrica.

Vakurudzirawo VaRamaphosa kuti vabatsire zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvizvibatsire kuburikidza nekuita nhaurirano dzechokwadi dzinoisa hurongwa hwekugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Sezvo mhirizhonga iri kuramba ichienderera mberi muSouth Africa, vatungamiri venyika dzinoti Malawi, Rwanda ne Democratic Republic of Congo, varamwa kunopinda mumusangano we World Economic Forum on Africa uyo watanga neChitatu uchipera nemusi weChishanu.

Nyika idzi dzinonzi dzakanzura kuenda kumusangano uyu dzichiratidza kusafara kwadzo kurwiswa kuri kuitwa zvizvarwa zvekune dzimwe nyika.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi pamwe nezvematongerwo enyika dzinoti mhirizhonga iri kuitika muSouth Africa iri kukonzerwa nehurombo huri muvanhu vatema, zvikuru vasina mabasa munyika iyi.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti vanhu vasina mabasa muSouth Africa vanosvika zvikamu makumi matatu kubva muzana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG