Accessibility links

Breaking News

Vanoda Kuva Nhengo dzeZACC Vobvunzwa Mibvunzo Veruzhinji Vachinzwa Mhinduro Dzavo


Hon Jessie Majome Harare West
Hon Jessie Majome Harare West

Vamwe vari kupinda musarudzo dzekutsvaga makomishina eZimbabwe Anti-Corruption Commission, (ZACC), vaudza komiti yeparamende iri kuvabvunzurudza kuti mitemo inoona nezvekudzivirirwa kwehuwori inofanira kusimbaradzwa uye komisheni iyi inofanirwa kushanda isina anoiudza zvekuita pamwe nekupihwa mari yakawanda kuti iite basa rayo nemazvo.

Vachipindura mibvunzo kubva kukomiti iyi inotungamirirwa nemutauriri, weNational Assembly, Advocate Jacob Mudenda, vakawanda vavo vati komisheni iripo pari zvino haina mazino uye inoshanda nemamwe mapazi ehurumende ane huwori akaita semapurisa, matare nedzimhosva pamwe nemahofisi evachuchusi.

Mumwe wevanhu ava, VaGabriel Chaibva, vati mitemo yekudzivirira huwori yakaita zinyekenyeke uye inofanirwa kusimbaradzwa.

VaChaibva vatiwo panofanira kuve nemutemo unochengetedza vaye vanenge vamhan’ara huwori vachiti pari zvino vanhu ava vanoshungurudzwa mushure mekuita izvi.

Vatiwo ZACC haitombozikanwi munyika uye basa rayo rinofanirwa kushambadzwa zvakasimba kuitira kuti vanhu vakwanise kumhan’ara huwori kubva kunzvimbo ipi zvayo munyika.

Vamwe vapinda mubvunzo idzi igweta, VaTinomudzishe Chinyoka, vabvumirana naVaChaibva kuti nhengo dzeZACC dzinofanira kubhadharwa mari yepamusoro kuitira kuti dzisaite zvehuwori.

Vatiwo nhengo dzeZACC hadzifanirwe kusarudzwa nevezvematongerwo enyika vakaita senhengo dzeparamende sezvo vari ivo vamwe vevanhu vane huwori hunotyisa.

Vatiwo ZACC inofanira kumira pachayo yega iine simba rekusunga, kuongorora pamwe nekuchuchisa vanoita zvehuwori uyewo vatiwo kupindira kunoita vezvematongerwo enyika mubasa reZACC, kutadza kuendesa kujeri vanhu vanoonekwa pachena kuti vanoita zvehuwori, kunoita kuti vanhu vasaremekedza komisheni iyi.

VaChinyoka vatiwo zvinonyadzisa kuti mumajeri emuno hamuna vanhu vari kupika jeri nenyaya dzehuwori asi imo munyika muine huwori hunosemesa.

Mumwe wevabvunzurudzwa, Amai Tsitsi Dhliwayo, vati kana vakadomwa vanoda kuona mabasa eZACC achishambadzwa uye kuti komisheni iyi ivhure mahofisi mumatunhu ese munyika kwete zvekungove muHarare chete.

Mumwe ari kudawo kuva nhengo yeZACC, Doctor Mable Hungwe, vatiwo semaonero avo nyaya yekurwisa huwori ibasa remunhu wese munyika kweZACC chete,uye vatiwo kana vakadomwa vacharwisa huwori muhurumende pamwe nemasangano anoshanda akzvimirira.

Dr Hungwe vati mari dzese dzinowanikwa nehuwori dzinofanirwa kutorwa nehurumende dzoshandiswa kuvaka mabhiriji kana zvikoro.

Gweta, uye vaimbove mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Jessie Majome, avo vari kudawo kuitwa komishina, vatiwo kana hurumende ikabata mari dzose dzinenge dzashandiswa munyaya dzehuori, zvinogona kubatsira kuti veruzhinji vamhan’are huwori kana vanzwa nezvahwo.

Vati veruzhinji ndivo vanonyanyo rasikirwa panoitwa huwori uye zvakakosha kuti vaite chido chekumhan’ara huwori.

Muzvare Majone vati kuti hondo yekupedza huwori ibudurire, vanhu vanofanirwa kusungwa, kutongwa nekundwa mumajeri pachena zvisinei nekuti ndevebato ripi kana kuti vabva mumba mani.

Bunzvo idzi dziri kuenderera mberi uye dzinotarisirwa kupera nhasi.

Pane vanhu makumi matatu nevasere vange vachifanira kupinda mubvunzo idzi, asi padzatanga, Advocate Mudenda vazivisa kuti pane vamwe vatatu, VaChritopher Dube-Banda, VaZondi Kumwenda naVaTwanda Matope vabuda mubvunzo idzi.

VaBlessing Chebundo veMDC ndemumwewo ange asipo apo pasvika chinhano chekuti vabvunzurudzwe.

Paramende ichabuda nemazita evanhu gumi nevaviri ayo ichaendesa kumutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vadome vanhu vesere vachipinda muZACC.

VaMnangagwa vakatodoma mutongi wedare repamusoro, uye vari mudzimai wegurukota rezvekunze kwenyika, Va Sibusiso Moyo, Justice Loice Matanda Moyo, kuve sachigaro weZACC.

Pakadomwa Amai Matanda Moyo kuve sachigaro weZACC, masangano anorwira kodzero dzevanhu akashoropodza kudomwa kwavo achiti munhu ane divi raakarerekera zvokuti anogona kutadza kufambisa nyaya dzehuori dzinenge dzichiitwa nebazi remurume wavo.

Nhengo dzebhodhi rese reZACC dzakasiya basa zvisina tsarukano mukutanga kwegore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG