Accessibility links

Breaking News

Masangano ePasi Rose Okurudzirwa Kupindira Pane Zviri Kuitika muZimbabwe


Mutungamiri weBato reMDC Advocate Nelson Chamisa Voshora Kushungurudzwa Kwenhengo Dzavo
Mutungamiri weBato reMDC Advocate Nelson Chamisa Voshora Kushungurudzwa Kwenhengo Dzavo

Masangano anorwira kodzero dzevanhu ari kukurudzira sangano reUnited Nations nemamwe masangano kuti apindire mudambudziko reZimbabwe zvichitevera kupambwa nekutochwa kwakaitwa madzimai matatu ebato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Madzimai matatu eMDC aya anoti akasungwa nemapurisa mushure mekuratidzira kuWarren Park, ndokubva aiswa mumaoko evanhu vakazoatocha ndokusiya akandwa panzvimbo yeMuchapondwa kuBindura.

Mumiriri weHarare West muNational Assembly, Muzvare Joanna Mamombe, mutevedzeri wasachigaro wevechidiki; Muzvare Cecilia Chimbiri, pamwe nemutevedzeri wemurongi wemisangano yevechidiki, Muzvare Netsai Marova, vakaudza hama dzavo neChishanu kuti vakabatwa chibharo mushure mekupambwa kuWarren Park, ndokubva vazosiyiwa vakandwa panzvimbo yemabhizimisi yeMuchapondwa kuBindura.

Vatatu ava vari kurapwa pachipatara cheParktown Hospital muHarare.

Baba vaMuzvare Chimbiri, VaHenry Chimbiri, vanoti vari kurwadzikanazvikuru nezvakaitwa nehurumende.

VaChimbiri vakurudzira sangano reUnited Nations kuti ripindire muZimbabwe sezvo mapurisa ari kutadza kuchengetedza mitemo yenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gweta riri kumirira vatatu ava, VaJeremiah Bamu, vanoti vari kuda kuti vatatu ava vatange vaita zvakanaka kuitira kuti vataure navo matanho ekutora.

VaBamu, avo vashanyira madzimai aya, vati Havana kukwanisa kutaura navo sezvo vanga vakotsiriswa nemushonga unoderedza marwadzo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nhengo yedare reCongress muAmerica, Amai Karen Bass, avo vanova sachigaro wekomiti inoona nezveAfrica, vanoti vari kushushikana zvikuru nekushungurudzwa kwemadzimai matatu aya.

Amai Bass vari kukurudzira hurumende yeZimbabwe kuti iferefete kumbunyikidzwa kwakaitwa madzimai matatu aya.

Ukuwo sangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica rinoti sangano reUnited Nations nemamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu anofanirwa kuona kuti Zimbabwe yatorerwa matanho zvichitevera kutochwa kwakaitwa madzimai aya.

Mukuru wesangano iri kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti zviri kuitika muZimbabwe zvinoratidza kuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa haina musiyano nehurumende yevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Ray Choto

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vati vari kushushikana nemashoko ekuti vatatu ava vakapambwa.

Vatiwo mapurisa emuHarare ari kuda kubvunzurudza vatatu ava sezvo vakatyora mutemo weNational Lockdown apo vakaratudzira kuWarren Park.

Vati nyaya iyi iri kuongororwa uye kana paine vakapara mhosva, vacharangwa sezvinodiwa nemutemo.

Mutauriri wemapurisa, Assitant Commissioner Paul Nyathi, vati mapurisa ari kuongorora kuti chii chakaitika kubva musi wa13 Chivabvu kusvika misi weChishanu maererano nemafambiro evatatu ava kubvira pavakaratidzira kuWarren Park.

Vati mapurisa anoda kuziva kuti vatatu ava nevamwe vavo vakafamba sei uye kuti vatatu ava vazowanikwa kunzvimbo yemabhizimisi yeMuchapondwa kuBindura sei.

VaNyathi vati vane ruzivo nezvenyaya iyi vanofanira kuenda nehumbowo kuchiteshi chemapurisa chiripedyo navo.

Zvichakadai, VaNyathi vati mapurisa ari kushishikana zvikuru nekushandiswa kwemadandemutande kunyomba vashandi vehurumende vakati kuita izvi imhosva inosungisa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG