Accessibility links

Breaking News

Gore Rimwe Chete Rinokwana Kubva Pakatarwa Covid-19 seDenda Ranetsa Pasi Rose


Chinhoyi Covid-19 Vaccine Chinhoyi1
Chinhoyi Covid-19 Vaccine Chinhoyi1

Nhasi rakwana gore mushure mekunge sangano reWorld Health Organisation (WHO) ratara chirwere Covid-19 sedenda guru rabata pasi rose, uye rinofanirwa kurwiswa zvakasimba.

Zvichitevera danho rakatorwa neWHO, nyika dzakatanga kuvhara miganhu yadzo, maindasitiri, zvikoro, machechi nezvimwe izvo zvakakonzera matambudziko akawanda munyaya dzehupfumi, nemagariro evanhu nezvimwe.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti denda iri rakaratidza kuti dzihurumende, kusanganisira Zimbabwe,dzinofanirwa kugadzirisa nyaya dzehutano, kuona kuti nyika ine zvipatara zvakawanda uye zvine mishonga nevashandi vanobhadharwa zvinogutsa.

Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItayi Rusike, vanoti Covid-19 yaburitsa pachena kuti hutano hwakakosha.

Vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa zvakare vemunyori anoona nezvehutano mubato reMDC Alliance, Dr Henry Madzorera, vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe ingadai yakaita zviri nani dai zvipatara zvaive nemishonga nevashandi vakaguta.

Vatiwo mamwe matanho akatorwa nehurumende haana kunyatsoshanda nekuti aingoitwa pasina tsvakurudzo yakakwana.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti Covid-19 yakavhiringa hupfumi hwenyika zvakanyanya zvikuru sei nekuvharwa kwakambotwa nyika nemakambani.

Dr Prosper Chitambara avo vanoshanda nessangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, vanoti denda reCovid-19 raburitsa pachena kuti dzihurumende dzinofanira kugara dziine mari yekubatsira varombo panguva yematambudziko.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMsaimba Kuchera, vati Covid-19 yapa chidzidzo chekuti nyika inofanira kugara yakagadzirira matambudziko anogona kungomuka sezvakaita Covid-19.

Asi VaChitambara vanoti zvinofadza kuti Zimbabwe ndeimwe yave kubaya vanhu nhomba dzekudzivirira Covid-19.

Vachitaura mushure mekubaiwa nhomba yeSinopharm masvondomatatu apfuura, mutevedzeri wemutungamiriri wenyika zvakare vari gurukota rezvehutano, VaConstantine Chiwenga, vakati kunyange hazvo nhomba isingarape Covid-19, ichabatsira zvikuru mudzivirira dzenda iri.

Chirwere cheCovid-19 chakabata munhu wekutanga muZimbabwe musi wa20 Kurume gore rapfuura uye mutori wenhau, Zororo Makamba, ndiye munhu wekutanga kushaya nedenda iri muZimbabwe musi wa23 Kurume 2020

Kusvika svika pari zvino Covid-19 yabata vanhu zviuru makumi matatu nezvitanhatu nemazana matatu nemakumi mana nemumwe (36 341) uye yauraya vanhu churu nemazana mana nemakumi masere nevapfumbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG