Accessibility links

Breaking News

World Health Organization Inoti Zimbabwe Yoita Zviri Nani Pakurwisa TB


Tuberculosis (TB)
Tuberculosis (TB)

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kutambira nemufaro kubudirira kwakaita Zimbabwe mukurwisa chirwere cherurindi kana kuti TB.

Sangano reWorld Health Orgnization kana kuti WHO rinoti Zimbabwe yabuda munyika makumi matatu pasi rose dzinonzi dziri kutatarika kupedza denda reTB.

Izvi zviri mugwaro rinonzi Global Tuberculosis Report 2020 riri kutarisa zvakaitika kubva muna 2015 kusvika muna 2019.

Zviri mugwaro iri zvinoratidza kuti Zimbabwe yakadzikira nezvikamu gumi nesere kubva muzana kana kuti 18%. Dzimwe nyika dzabuda mugungano iri dzinoti Russia neCambodia. Asi nyika dzapinda mugungano iri dzinoti Gabon, Mongolia neUganda.

Vaimbova gurukota rezvehutano Dr Henry Madzorera vaudza Studio 7 kuti denda rerurindi, chirwere chaifanirwa kunge chakaparadzwa kare, asi dambudziko rechirwere cheHIV/Aids ndiro rakambovhiringidza chirongwa chokuparadza denda iri.

Imwe nyanzvi yezvehutano Dr Josephat Chiripanyanga vati chimwe chikonzero chakaita kuti denda rerurindi ridzikire pasi inyaya yokuti inorapwa pachena zvokuti ani nani zvake anokwanisa kuwana rubatsiro kumakiriniki nezvipatara zvose zvehurumende zviri munyika.

Doctor Chiripanyanga vatsangura kuti chirwere cheHIV /Aids hachikoki denda rerurindi sekutaurwa kwazvinoitwa nevamwe vasina ruzivo.

Mutevedzeri wemukuru wechirongwa che HIV/AIDS neTB mubazi rezvehutano, Dr Charles Sandy vati pane hurongwa hwokupinda mumisha yakasiyana siyana munyika huchaongorora nekutsvaga vose vangangova nedenda rerurinda.

Ongororo yakaitwa nebazi rezvehutano rakaona kuti nzvimbo dzakaita seMatabeleland North, Matabeland South neguta reBulawayo ndidzo dzinonyanya kuwirwa nedambudziko rechirwere ichi nokuti dziri kumuganhu neSouth Africa, iyo ine vanhu vakawanda vane chirwere ichi.

Dzimwe nzvimbo dzine dambudziko rechirwere cherurindi muHarare dzinoti Glenview, Budiriro, Hopley, Caledonia, Mbare nenzvimbo dziri kuHarare South.

Sangano reUnited Nations rinoti vanhu zviuru zvina nemazana mashanu vanofa pazuva rega rega nechirwere cherurindi pasi rose. Chirwere ichi chinonzi chinogona kuramba kudaira mushonga, zvikuru kuvanhu vasingapedzi kunwa mishonga sezvinokurudzirwa navanachiremba.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG